Uncategorized

Haufe, nyangwe ukati eke!

15 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
NDAKASHEVEDZWA nesangano rinoshanda nevanhu vatarisana nerufu. Vaida kuti nditaure pamusoro perufu nekufa. Ndakashaya kuti ndinotangira papi.

Rufu harwusi chinhu chinonakidza kutaura nezvacho, uye vazhinji vanotya nyaya iyi zvekuti vanoda kutoitiza.

Ini ndakaziva rufu ndiri mudiki kwazvo pakarumwa imbwa yangu Jet nenyoka.

Ndakaramba ndichishevedza Jet payakanga yakarara ndichifunga kuti ichamuka ikamhanya ichitamba neni, asi ndakazoisiya ndaona kuti yakanga isiri kumuka.

Mushure mekunge Jet yafa, baba vangu vakabva vafawo munguva pfupi yakatevera.

Asi neniwo ndakambofa rimwe gore ndichibva kunoona amai vangu vakanga vachirwara vari muchipatara cheHarare Central Hospital. Ndakanga ndichitodzika nema”steps” ndiine hama dzangu tichitaura nyaya — ndichibva ndangoerekana ndadzima.

Ndakanga ndisina kana paindirwadza. Ndakangoerekana ndangonzwa kutibikirwa nerima. Vanhu vaive neni vakandiunganira vachibvunza kuti, “Ko chii? Waita sei?”

Asi chavasina kuziva ndechekuti vachindibvunza kudaro, inini ndakanga ndatobuda mumuviri wangu, ndatove mudenga ndichivaona ivo vari pasi. Asi ndiri mudenga imomo, ndakanga ndichinyatsonzwa zvakajeka zvese zvavakanga vachitaura.

Handina kwandakazoenda, ndakabva ndadzoserwa pasi ndikanopinda zvakare mumuviri wangu, ndichibva ndatomuka ndikagara. Pasina nguva ndakasimuka ndikati, “Ndave right, handei.”

Kufa hakurwadze. Kufa kwakafanana nekurara hope. Asi chii chinoitika kana tafa?

Jesu akatiudza nyaya yemupfumi naRazaro nezvakaitika mushure mekunge vese vafa.

Jesu akatiudza kuti Razaro paakafa, akatakurwa nevatumwa vakaenda naye kumusoro.

Ikoko, Razaro akaendeswa kuna Abhurahama.

Tinonzwa kuti Abhurahama akanga ari Abhurahama wataiziva ari panyika kufananawo nemurume mupfumi pamwe chete naRazaro.

Saka hupenyu hwavo vese hauna kupera nekuti vakanga vafa vakabva panyika.

Vakaramba vari vapenyu, vaine miviri yavo nyangwe vakanga vafa vakabva panyika. Saka kufa hakuuraye.

Ikoko kwavakanga vaenda, tinonzwa kuti mupfumi akanga achitove nerurimi rwake uyewo achitonzwawo nyota sesu pano pasi.

Mupfumi akanga ari kunzvimbo isina mvura, asi Razaro akanga ari kunzvimbo ine mvura. Mupfumi akanga achiona zvakanga zviri kunzvimbo ina Razaro zvekuti akakumbira kuna Abhurahama kuti Razaro anyike munwe wake amupewo mvura.

Akafa kudaro, mupfumi akanga ane pfungwa dzinotoshandawo sedzedu zvekuti akarangarira kuti ane vanin’ina vashanu vasiri kuziva kuti zvichazovaomera saiye kana vakasatendeuka. Nyaya yemupfumi naRazaro inyaya yerufu nekufa.

Vese Mupfumi naRazaro vakasangana nerufu zvekuti vakabviswa panyika ino, asi Mupfumi nyangwe akanga afa, akanosangana nerumwe rufu mberi kwaakaenda.

Saka kana tichifa pano panyika, asi tichizoramba tiri zvatiri kana tave kudenga – takagadzirira here kunorarama tisina mvura, tichitsva nekuti tiri kuita zvinhu zvinokudzwa nevanhu asi zvichinyangadza Mwari?

Kare ndaimbotya kufa.

Ndaitya kusiya nyika ino ndichienda kwandisingazive uye kwandisina chokwadi kuti kunei.

Mazuva iwayo ndaive hwindi anoshevedzera makombi anoenda kuSodhomu neGomora.

Ndaigara ndakastika ndichitiza kutarisana nechokwadi.

Asi rusununguko rwandakazopihwa naMwari rwakandiita kuti ndisatye kufa. Vaera Shava vane chidawo chinonzi Mufakose, newewo usazoita mufakose vekudenga?

Unoti wafa pano panyika wobva waenda kudenga, wobva watoona kuti wakafa kudaro wasvikira munzvimbo isina zvipatara, mabhandeji, mapiritsi kana majekiseni.

Nzvimbo iyoyo inokuuraya asi nyangwe ikakuuraya haufe nyangwe ukati eke!

Newewo une hama zhinji dzakafa iwe uchisara, asi chii chawakasarira? Uri kuraramirei?

Kana wazofa uchanozorora  here?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>