Uncategorized

‘Hazviite, hazviite zvachose!’

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
SANGANO reZimbabwe Women Resource Centre and Network rinoshora zvikuru tsika inokurudzira vamwe madzitezvara kupinda pabonde nevaroora vavo. Mai Pamela Muhlanga, avo vanova mukuru wesangano iri, vanoti havatsigire tsika iyi. “Sangano redu rinotsigira tsika dzechivanhu asi kwete dzinosvika pakudzvinyirira madzimai nekuvashungurudza, tinopokana nazvo tinoti tsika dzakadaro ngadzipere,” vanodaro.

Diana Muroiwa (28) wekuBudiriro asi achibva kumaruwa ekwaSeke anoshorawo tsika dzakadai. “Uhu ndiwo hudzvinyiriri hwepamusoro. Ndonzi ini nditange ndarara nababa vemurume wangu? Zvino wandinozoti murume apa ndiyani?

“Kana iye murume wangu akawirirana nazvo ndinoenda kumba kwedu,” anodaro Muroiwa. Mashoko ake akatsigirwa naMai Martha Muronzi (57), vekwaShe Mutumba kuMadziva, kudunhu reMashonaland Central avo vanoti vanatezvara nevaroora vanoita izvi vanofanirwa kusungwa.

“Tsika dzakadai idzi ndedze humbwa. Kuti baba nemwanakomana wavo vanosangana pamukadzi mumwe chete? Inga kana ngozi chaiyo wani inotaurwa nayo, kana ichida kuripwa nemukadzi yozivisa mombe dzainoda,” vanodaro Mai Muronzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>