Uncategorized

Hello Papa God, sei sei kuHevhalo?

02 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa
NDINODA nyika yangu zvekupenga. Ndicho chikonzero chinoita kuti ndinyore zvinyorwa zvangu nerurimi rwamai. Ndizvo zvinoita kuti ndichengetedze tsika nehunhu.

Ndakambogarawo kunyika dzevarungu ndikaona kuti havasisina tsika, hunhu, hukama nemhuri. Asi ndave kutya kuti nesuwo tave kupepetwa nerusero rweHarare nekutsvaga mari.

Saka maporofita aye apinda mumagiya ekumberi zvekuti nyangwe akaona roadblock havachamira nekuti havasisina mabhureki. Chii ichocho chinotaurwa nemuporofita kuti anofonera Mwari?

Hama dzangu, Mwari haasi coach wenyu saLloyd Mutasa wamunotuka nekuudza madhaka emashoko, asi imi musingatoziva kuti bhora racho rinorongwa sei. Ndakamuona muporofita iyeye achifonera Mwari. Kutonyatsoti, “Hello Papa God!”

Vakomana jee ijee zvaro, dzihwa harigochwe! Mwari mweya, uye havasi papa vemashura.

Solomon akati apedza kutaura mashoko ehuchenjeri kubhuku raMuparidzi akati, “Zvino zvose zvanzwikwa; . . . Itya Mwari uchengete mirayiro yake . . . Nokuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe kusanganisira nezvakavanzika zvose, zvakanaka kana zvakaipa.”

Saka itai zvenyu varume, asi isu vamwe takafanana naNathaniel, tinotya kukurumidza kubvuma kuti Mwari vave kubatika pafoni dzenyu dzinosvikira majokosi aKapfupi nemapikicha evanhu vasina kupfeka.

Mwari vanoyera, vanoti tive vatsvene nekuda kwekuti ivo vatsvene. Mwari vakafonera Jonah pasina hendiseti akavanzwa ari mudumbu rehove. Vakafonera Sauro achienda kuDamasiko akawira pasi. Bvunzai Sauro kuti kana chiyedza chaMwari chakurova unoswera uchirasa kabhachi uchifamba kastep kekuonererwa here uchiti, “Hello Papa God!” Vakomana Mwari ndiMwari, ndiye akabvunza Jobho kuti, “Wakanga uri kupi pandakateya nheyo dzenyika?”

Mumwe muporofita ndiyewo akabuda achiti ndiye ari panhamba 4 yaMwari. Anoti nhamba 1 ndiMwari, nhamba 2 ndiJesu, nhamba 3 ndiMweya Mutsvene, kozouya iye panhamba 4.

Ndinochemera vana vaMwari vasisaverenge kana kutsvaga Mwari muBhaibheri asi vachida kuvimba nevanhu vanozviti maporofita. Mazuva akadarika ayo ndakaona imwe vhidhiyo yemuporofita ari pamasowe nemukweshwa wenyoka achifamba pagwanza repamasowe achiti, “Anga achirwara uye ari kupi. Ngaauya ndimuyerese.”

Kuyeresa munhu nenyoka?

Satani anoshanda nekupinda muvanhu kuti avavhiringidze kuti vasazive chokwadi. Dai vanhu vachinyatsoziva Bhaibheri ravo, Satani aisavakorobhesa nekuvawachisa sezvaari kuita nhasi muZimbabwe.

Ndinonzwa tsitsi kwazvo kana vanhu vachiita sevachachema nekufara kuti muporofita avaudza zvakaitika kumashure kana kuti zvichazoitika. Asika, mweya yetsvina inoziva zvichaitika. Musikana akanyorwa nezvake kuna Mabasa aVapostori 16 anotevera Pauro naSairasi anotoporofita pamwe chete nekupupura kuti Pauro naSairasi vanhu vaMwari wekumusorosoro uye kuti vanhu vanofanirwa kuvateerera nekuti vari kuvaunzira nzira yeruponeso.

Asi musikana uyu aiporofita nedhimoni rakazodzingwa naPauro. Dhimoni radzingwa, vanhu vaishandirwa nemusikana uyu vachiwana mari vakasungisa Pauro naSairasi nekuda kwekuti vakanga vabvisa dhimoni rakanga richivapa mari.

Satani haazorore. Bhaibheri rinoti anofamba-famba achidzvova seshumba achitsvaga waangaparadze.

Tikasangwarira, Satani anotevedzera izwi raMwari mupfungwa dzedu achitiudza zvinhu zvinoita kuti tinzwe kuve nemhosva kuti agotiita nhapwa dzake. Satani ukamupa mukana, unopedzisira wave kuenda kunobvunza mweya iyoyi chero chinhu chipi zvacho. Kana zvadaro unenge wabatwa seshiri nehurimbo.

Kune mumwe mufundisi akanga abvumira mweya waimuita kuti anyore mharidzo dzinotyisa. Pakutanga, mharidzo dzake dzaive nehutsvene uye dzakanyorwa nezvirungamutauro zvinoshamisa. Asi nekufamba kwenguva, akatanga kunyadzisira. Iye ndokutanga kunzwa mazwi zvekuti akapedzisira akanganisika pfungwa akapinda muchipatara. Akazofa mushure memwedzi mitatu ave mupengo unenge Rigiyoni.

Musadaire foni dzaSatani. Musamupe mukana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>