Uncategorized

HIV ndakaiwana kupi?

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

KWAMURI tete
Ndiri mukadzi ane makore 30 okuberekwa, ndakawanikwa uye ndine mwana wangu mumwe chete. Murume akandiwana ane wakewo mwana waakaita tisati taroorana. Zvino ndakabata pamuviri gore rapfuura asi pandakanonyoresa mimba kukiriniki ndakabatwa kuti ndine hutachiwana hweHIV. Murume wangu paakazviziva akabva audza hama dzake idzo dzakamupa zano rekuti andirambe.

Paakanondisungira kumba kwedu, zvakabva zvapererawo ipapo, murume wangu haana kuzodzoka. Iye zvino ndatove nemwana.
Ndiri kuzvidya moyo tete, handina kumbobvira ndaita chipfambi. HIV ndakaiwanepi nhai tete? Ndoitawo sei kuti ndienderere mberi neupenyu? Ndave kushoreka pane vamwe sezvo ndakadzoswa kumurume. Tete ndibatsireiwo.
Kisha Kayz.
Shamva.

MHINDURO:
Dambudziko rako rinorwadza muzukuru nokuti hurwere hwausingazive kuti wakahuwanepi hwunonetsa kugamuchira. Wakakanganisa muzukuru kumhanyira kusangana nemurume musati manoongororwa ropa, nokuti mese maimbenge makamboita dzimba. Hauna kunge wataura kuti iye murume wako akamhanyira kuudza hama dzake iye akanga aendawo kunongororwa here?

Zano randinokupa muzukuru nderekuti usagumirwe neupenyu nekuti, vanhu vakawanda mazuva ano vari kurarama nechirwere ichochi, uyezve uchiri mwana mudiki. Unotomuwana achakuroora nevana vako ivava, ane hurwerewo. Iwe ingozvibata bedzi. Murume iyeyu ndiye akatokupa nokuti hunhu hwaakaita huri kuzviratidza kuti ndiye ane nyaya yose, musiye akadaro haana kwaanosvika. Upenyu hunoenderera mberi muzukuru, usazvidya moyo zvako, nokuti ungatozvipe BP, ukasiya vana vako vasina muchengeti.

Pauri kuti hauna kumboita chipfambi muzukuru ziva kuti HIV haiparadzirwe nekuta chipfambi bedzi asi kuti kune nzira dzakawanda, kusanganisira icho chipfambi.
Tete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>