Hochekoche yemhirizhonga neHIV

26 Oct, 2022 - 17:10 0 Views
Hochekoche yemhirizhonga neHIV Sherperd Zvanamwe

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NYAYA dzemhirizhonga – zvikuru kumadzimai nevanasikana – dziri kuonekwa sezvimwe zvezvinhu zvinokonzera kunyuka kwezvirwere zvepabonde zvinosanganisira HIV apo vanhukadzi vanombunyikidzwa nenzira yebonde muwanano, kubatwa chibharo uye kuroodzwa vasati vabva zera.

Nyaya dzerudzi urwu dziri kuitika kumatunhu ose enyika anosanganisira kuShamva, kuMashonaland Central.

Izvi zvinonzi zviri kunyanya kukonzerwa nemamwe emabasa anoitwa munharaunda iyi ezvicherwa sezvo kuzere makorokoza uye nezvitendero, kunyanya chipositori, zvinorunzira kuroodzwa kwepwere.

Mabasa ekutengesa muviri anoonekwa achiwanda munharaunda dzakadai izvo zviri kuita zvekare kuti vanasikana nevanakomana vasiire chikoro panzira vachienda kunokorokoza.

 

Sabhuku Chikwekwe – Luckmore Benhura

Zvisinei, kune matanho akasimba ari kutorwa neHurumende mudunhu iri kuburikidza nesangano reNational Aids Council (NAC) pasi pechirongwa cheStart Awareness Support Action (SASA) icho chine donzvo rekusimbaradza nyaya dzehurukuro pakati pemhuri nevanhu vari munharaunda.

VaSheperd Zvanamwe vanova Shamva District AIDS Coordinator kuNAC vanoti kuburikidza nechirongwa cheSASA, vari kuita mabasa makuru apo vanopinda munharaunda vachikusha mashoko echenjedzo maringe nekuipa kwekuita bonde risina dziviriro uye kuroodzwa kwepwere.

“Kuita bonde rekumanikidzirana, kuroodza vasati vabva zera vakadai sevari pasi pemakore makore 18 okuberekwa akatarwa pamutemo, kumbunyikidzwa kwevanakomana vachiendwa navo pabonde nemadzimai echikuru nekuitwa chingochani, pakati pezvimwe, imhirizhonga dzinonenekedza vanhu kuhutachiona hweHIV. Pese panoitwa bonde rechisimba, dziviriro inowanikwa ichishaikwa saka mikana yekutapurirwa zvirwere zvepabonde inowanda.

“Rudo rwedande-mutande, sekuti vanhu vachipinda pabonde nevanhu vakawanda zvinoita kuti vese vapinzwe panyatwa yekutapurirwa HIV,” vanodaro.

Vamwe vaivepo

VaZvanamwe vanoti mudunhu mavo vanoshanda nemadzishe anosanganisira Mambo Bushu nemasabhuku avo vanokusha mashoko echenjedzo maringe nenyaya dzekurwisa mhirizhonga uye nzira dzakanaka dzekudzivirira kutapurirana zvirwere zvepabonde.

“Tinofara zvikuru kuti nyaya dzemhirizhonga dzava kuderera kuburikidza nechirongwa cheSASA. Chirongwa ichi chinoreva kuti ‘taura’ kana kuti ‘sasa’.

“Kuburikidza nekutaura, ndipo panoonekwa kuti matambudziko ari kusangana nevanhu munzvimbo ndeapi zvichizobatsira varongi nevagadziri vemitemo kuti vangabatsira sei nharaunda imwe neimwe. Kubva mugore ra2019, nyaya dzemhirizhonga dzainge dzakawanda mudunhu rino.

“Ongororo yakaitwa nebazi rinoona nezvemadzimai, kuenzaniswa kwemikana nekusimudzirwa kwenharaunda inoratidza kuti mugore ra2019, Shamva District yakawana nyaya 536 dzemhirizhonga, kuchizoti muna2020, nyaya idzi dzakawedzera kuenda pa634. Sekunge izvi zvisina kukwana, mugore ra2021, nyaya dzemhirizhonga munharaunda dzakabva dzawedzera zvakapetwa kuenda pa1 315,” vanodaro VaZvanamwe.

Tabeth Mumvuri

Vanoti mumwedzi waChikumi gore rino, Shamva District yakawana nyaya 589 dzemhirizhonga idzo dzinonyanya kukonzerwa nekusaenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume.

“Zvisinei, kuburikidza nechirongwa cheSASA, tiri kuona shanduko maringe nemararamiro ari kuita vanhu nekuti vava kusiya dzimwe tsika nemagariro izvo vakanga vachiita sekuroodzwa kwepwere uye kurwisana mudzimba zvaiita kuti madzimai nevanasikana vatapurirwe hutachiona hweHIV.

“Madzimai mazhinji ava kuita mabasa emaoko sekurima uye kutengesa vachiwana chouviri pane kumirira kunetsana nanababa vachida mari,” vanodaro.

Sabhuku Chikwekwe, VaLuckmore Benhura, vekwaMambo Bushu vanoti vanhu vakawanda vari kusandura hunhu hwavo kuburikidza nechirongwa cheSASA.

“Vana vazhinji vava kuenda kuchikoro vachitosvika Form 4 uye kare zvaisadaro sezvo vaigumira paGrade 7 apo vasikana vaitenge vatoenda kunoroorwa kana kuti vamitiswa uye vamwe vave kuita mabasa ekutengesa miviri kumakorokoza,” vanodaro.

Tabeth Mumvuri anove nhengo yeSASA wekwaJiti kuShamva kwakare anoti aigara achirwisana nemurume mumba achida mari nguva nenguva.

“Ini ndichikura, mupfungwa dzangu ndaiti kana ndikaroorwa ndinofanira kupihwa mari nemurume. Saka zvakaita kuti imba yangu igare iine hondo asi kuburikidza nechirongwa cheSASA, ndava kuziva kuzvidzora nekushanda nesimba. Imba yedu yava kunakidza zvekuti kana murume wangu ari kutenda kune vakuru vechirongwa ichi,” anodaro.

Tambudzai Muhomba anoti airwisanawo zvekare nemurume asi iko zvino ashanduka.

Grace George anoti aigara achirohwa nemurume asi kuburikidza neSASA, pakaitwa hurukuro pakati pevaviri ava uye vava kugara murunyararo.

“Vanhu vakanga vava kutoziva kuti pese panodzoka murume wangu kubva kudoro ndaitorohwa. Ndakanga ndisisina tariro newanano yangu asi patakabatsirwa nemazano, murume wangu atova munhu kwaye, pfungwa yekumusiya yakatobva mandiri,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>