Uncategorized

‘Hongu takavharira zvitunha mumba’

28 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
‘Hongu takavharira zvitunha mumba’ Mai Judith Maruza

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MAI Judith Maruza (68) vanove mudzimai wemuchakabvu – Muzozo Phiri (80 – vanotsinhira kuti vakavharira mumba chitunhu chemurume wavo nechemwanakomana, James, vachitevedza zvaive zvasiya zvataurwa zvekuti vaizomuka.

“Ichokwadi takavharira zvitunha izvi mumba apo taitevedza zvaiva zvataurwa naJames uyo akatanga kufa. Akasiya ataura kuti kana afa taisafanirwa kumuviga asi kungomuvharira mumba apo aiti baba vake kana vazofawo taifanirwa kuvaita zvimwe chete. Akasiya ati iye aizomuka ozomutsa baba vake,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Taimbovhura mumba umu tichidongorera kuti tione kuti vakamuka here apo taingoona zvichingova zvitunha asi zvaisabuda honye.” Vanoti vane dambudziko zvakare revanasikana vavo vanomwe vasina kuroorwa uye kwavakambofamba vakataurirwa kuti izvi zvaikonzerwa nemurume wavo uyo anonzi aive akaromba mishonga inosanganisira wemangoromera. “Baba vaiva nehanzvadzi yavo n’anga yaigara kuNorton uko vanonzi vainotora mishonga yechivanhu saka hatizive kwakazobva dambudziko iri,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>