Uncategorized

Huchapa hwechembere hwakabva kumahumbwe

21 Feb, 2020 - 00:02 0 Views

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena
MUMWE akati kwandiri kana uchida kuona hunhu hwevabereki vevana vari munharaunda, enda unoona panotambwa mahumbwe nepwere dzavo. Mararamiro epwere mudzimba anobuda vana pavanenge vachitamba vachiti ini ndini baba, ini ndini amai, ini ndini mwana.

Mwana woga-woga anotaura nekuita zvinoitwa kumba kwavo, zvikuru nevabereki kana vakoma vake, nokuti vana vanoziva zvekumba kwavo sezvo vasati vaona zviri kunze zvakanyanya.

Izvi zvinoreva kuti vabereki ngavaratidze vana zvakanaka vari kudzimba kuti vagoratidzawo hunhu hwakanaka kumahumbwe, hunhu hwavachakura nahwo — zvikuru panyaya dzehuchapa.

Ndinovimba munhu wose anogara mumadhorobha emuno munyika anotambudzika zvikuru achiona huwandu hwetsvina irimo. Zvino tsvina nenhunzi hazvisiyane. Vanhu vanotambudzika zvakare vachipinda muzvimbuzi, zvikuru zvimbudzi zveruzhinji zvinosiiwa zviine tsvina inoita churu, zvisinei kuti mvura irimo here kana kuti haimo.

Chimbuzi kana chadai hachipindike asi kana munhu oda kuchishandisa hapana mamwe maitiro, anotopindamo bedzi zvakadaro. Nhunzi dzichibva patsvinayo dzichimumhara, apa mweya usingakomborere uchimukachidza.

Izvi zvingareva kuti vanoshandisa zvimbuzi — iwe neni, nevanogeza zvimbuzi pamwe nevakuru vavo — pane patiri kurasika, pane kwatakabva kusina kutwasuka. Nyanzvi dzeutano dzinoti zvirwere zvemudumbu, zvikuru cholera netyphoid, zvinobva mukudya kana kudyiswa tsvina, kunyanya tsvina yemunhu inotakurwa nenhunzi.

Tinoda kudzokera kumahumbwe kuti tione kwakabva huchapa hwedu. Mhedzisiro yacho ndeyekupa mhosva vabereki, vakoma kana vakuru venharaunda.

Zvino, hatirwadziwe here kutukisa vabereki nehutsvina hwedu, hatirwadziwe here kuti vanoshandisa zvimbuzi zveruzhinji vanenge vachipopota kana vachipindamo, hatirwadziwe here kana vana muzvinabhizimisi vekunze votya kuuya munyika medu nenyaya yeehutsvina hwedu? Tinodzinga zvakare vaenzi vanoda kutishanyira nekutipa mari dzekunze nehutsvinahwo.

CHENJEDZO:

Dare rino rinokurudzira kuti iwe neni tine basa kuti tisave zviseko nevekunze nokuti vanoti zvirwere zvecholera netyphoid, zvirwere zvevanhu vakasaririra, vanhu vasati vave nekufunga zvakajeka, vanhu vasina gwara, vanhu vasina mutsauko nemhuka dzinoitira ndove padzinogara nekurara. Iwe neni ngatizive kunoraswa marara. Pamusoro pezvose, vakuru vanoona nezvekuchena kwenzvimbo, zvikuru mumadhorobha, ngavatarise nekuranga munhu wose anoratidza hunhu hwemhuka dzesango ava. Tikadaro, misha yedu, makambani edu nenyika yedu inochena zvinoyevedza. Vana vedu vachatevedzera hunhu hwedu nokuti gavi rakabva mumasvuuriro, uye huchapa hwechembere hwakabva kumahumbwe.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>