Huku imwe chete inotengeswa US$300

29 Aug, 2023 - 17:08 0 Views
Huku imwe chete inotengeswa US$300 Anesu Marova akabata jongwe remhando yeLavender Orpington

Kwayedza

Kingstone Mapupu

KAMBANI yeUsena Solutions Organic and Maggot Farming iri kusimudzira mabhindauko ekupfuiwa kwehuku nekuuchika mhando dzinodarika makgs matanhatu pahuremu uye imwe chete ichitengeswa nemari inobvira paUS$80 kusvika US$300.

Vachitaura kuZimbabwe Agricultural Show (ZAS) muguta reHarare, vashandi vaviri vekambani iyi – Anesu Marova naLinda Mativenga – vanoti vari kuuchika mhando dzehuku dzechivanhu vachitarisa kusanduka kwemamiriro ekunze nezvinodiwa nehuku dzacho kuitira kuti dzigokura zvakanaka pasina kubatwa nezvirwere.

“Tinouchika huku uyewo tinodzidzisa varimi kushandiswa kwemanyowa echivanhu yatinoti organic manure nekugadzirwa kwekudya kwezvipfuyo nenzira dzechivanhu,” anodaro Marova.

Anoti vane mhando mbiri itsva dzehuku dzinoti Orpington neBrahma.

“Mhando itsva dzehuku idzi dzinokura zvekusvika makgs gumi, kudivi rerudzi rweOrpington, tine Lavender Orpington, Buff Orpington, Black Orpington, Cuckoo Orpington, Splash Orpinton, Blue Orpington, neGolden Laced,” anodaro Marova.

Kudivi remhando yeBrahma, anoti vane Buff Columbia, Light Columbia, Black Austrolorp, Golden Laced Wyandot neAyan Cemani idzo dzavari kuuchikawo.

Dzimwe mhando dzehuku dziri kuuchikwa

“Tasvika gore tatanga basa rekuuchika huku iri uye tinoda kuramba tichifambira mberi tichikwikwidzana nedzimwe nyika dzakadai seSouth Africa. Huku dzedu dzinodya chikafu chemakireshi chaiwo atinogaisa ayo tinosanganisa nezvirimwa zvakaita semhunga, mapfunde nechibage chakakangwa nemaringazuva,” anodaro Marova.

Anoti vane hunyanzvi zvakare hwekugadzira mishonga yechivanhu inorapa huku.

Huku idzi dzinosanganisira sheshe nemajongwe uye dzose dzinokura kubvira pa3 kgs zvichienda mberi.

Mashoko ake anotsinhirwa naMativenga achiti: “Mhando yehuku dzedu tiri kuvandudza kudziita dzechivanhu idzo dzakatangira kuEngland ndokuzotorwawo nedzimwe nyika kuno kuAfrica nekumwe. Tinochechenyesa hukwana nemichina yechizvino-zvino tozotengesa hukwana dzacho, mazai kashoma kutengesa, hukwana imwe chete inoita US$5,” anodaro Mativenga.

Anoti kambani yavo inobatsira zvakare mhuri dzinotambura nekuvapa hukwana dzekuti vasimukire mukurarama kwavo vovabatsira nekuvakwa kwematanga ehuku idzi uyewo nekugadzirwa kwekudya kwacho.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>