Uncategorized

Hurumende yopa vanotambura mari

16 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
Hurumende yopa vanotambura mari Cde Lovemore Matuke

Kwayedza

Tendai Mugabe
MHURI dzinosvika 1 miriyoni idzo dzakasarudzwa kuburikidza nebazi rinoona nezvevanotambura reSocial Welfare nemusi weChitatu chino dzakatanga kuwana rubatsiro rwemari yekushandisa pasi pehomwe ye$600 miriyoni iri kubva kuHurumende senzira yekudziyamura kuti dziwane chouviri zvichitevera matambudziko ari kukonzerwa nechirwere cheCovid-19 icho chatekeshera pasi rose.

Danho iri riri kuuya panguva iyo huwandu hwevanhu vabatwa vaine Covid-19 muZimbabwe hwakwira kusvika pa18 mushure mekunge pavanhu 53 vakavhenekwa nemusi weChipiri svondo rino mumwe wavo awanikwa ane utachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere ichi.

Hurumende yakaita chisungo chekuti ipe mari kumhuri dzinotambudzika dzisingakwanisi kunge dzichitsvaga chouvuri zvichitevera danho rayakatora rekuti vanhu vose vagare kudzimba kwemazuva 21 nechinangwa chekurwisa kupararira kweCovid-19. Mazuva 21 aya akatanga nemusi wa30 Kurume.

Mari $600 miriyoni iyi – iyo ichapihwa kumhuri dzinotambura kwemwedzi mitatu – yakaziviswa nezvayo negurukota rebazi rezveupfumi, Professor Mthuli Ncube masvondo maviri adarika.

Vachabatsirika pasi pehomwe iyi havazi kuzobatirwa imwe mari apo vanenge vachiishandisa pakutenga nezvimwe zvakasiyana.

EcoCash yakatozivisa kuti vose vachawana rubatsiro rwemari iyi hapana mari yavachabatirwa apo vanenge vave kuishandisa.

Mutevedzeri wegurukota rezvevashandi, Cde Lovemore Matuke vanotsinhira kuti mhuri dzinotambura dzakatanga kuwana mari iyi nemusi weChitatu.

“Mazita evanhu vanofanirwa kuwana mari iyi akatoendeswa kune makambani anoona nezvekufambiswa kwemasai-sai enhare kuti mari iyi ibhadharwe. Mari iyi inofanirwa kutanga kupinda munhare dzavo nemusi weChitatu,” vanodaro Cde Matuke.

Vanoti pane zvimhingamipinyi zvakasanganikwa nazvo mukufambiswa kwechirongwa ichi zvakaita sekuti mamwe mazita aibuda kaviri kuMabvuku nekuMufakose nekudaro bazi ravo raigadzirisa kuti zita ribude kamwe chete.

Cde Matuke vanoramba mashoko ekuti mhuri dziri kubatsirwa pasi pechirongwa ichi dziri kumanikidzwa kushandisa mitsara yeNetOne kuti dzitambire mari iyi, vachiti mitsara yose yeNetOne neEconet iri kushandiswa zvichienderana nezvinoda munhu.

Hurumende ine chivimbo chekuti mhuri dzose dzinofanirwa kuwana mari iyi mazuva 21 ekuti vanhu vagare kudzimba asati adarika.

Cde Matuke vanotizve kana pachinge pazoitika zvimwe zvimhingamipinyi, mhuri dzinogona kuramba dzichiwana mari iyi kunyangwe mazuva 21 ekugara kudzimba adarika.

Hurumende nguva pfupi yadarika yakazivisa kuti icharamba ichiita zvirongwa zvakasiyana zvekubatsira vanhu vanotambura panguva ino apo nyika iri kurwisana nekupararira kweCovid-19.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>