Uncategorized

Hwindi Akatiburwa Nenjuzu

05 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Hwindi  Akatiburwa  Nenjuzu Gladys Gwati (ari pakati) paakasungwa nemapurisa achiendeswa kuchitokisi padare reHarare Magistrates’ Courts, muHarare svondo rapera.

Kwayedza

Nyore Madzianike
MUKADZI wekuEpworth, muHarare, uye wekuendesa mukuwasha wake kudare achiti akamubata mazamu nekudaro shavi renjuzu riri paari rinoda kuti aripwe, akasungwa svondo rapera nemhosva yekurova mukafazi munyaya iyi. Gladys Gwati (61) akamiswa pamberi pedare reHarare Magistrates’ Courts achipomerwa mhosva yekurova Edwin Dhende, uyo anova mufakazi wemukuwasha wake waanoti akamubata zamu, Gaderner Manene.

Mutongi Blessing Murwisi akaudzwa kuti Gwati akarova Dhende nokuda kwokuti aida kuita mufakazi munyaya yake nemukuwasha wake.

Dhende, uyo anova hwindi achigara kuEpworth, anonzi akaona zvakaitika musi unonzi Manene akabata ambuya vake mazamu. Muchuchisi Moleen Murozvi anoti nemusi wa17 Chivabvu Gwati akasangana naDhende akamubvunza kuti sei aida kuita mufakazi munyaya yekubatwa mazamu kwake.

Gwati anonzi akasandudzira Dhende zvine simba achimuti aida kumurova.

Mushure mechiitiko ichi, Dhende anonzi akabva aenda kumba kwake asi kuna Gwati nyaya haina kuperera ipapo.

Dare rakaudzwa kuti Gwati akazotevera kumba kwaDhende uko akasvikoitazve mhirizhonga achiti aida kumurova. Dhende akazonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti Gwati asungwe.

Mutongi Murwisi akati Gwati abhadhare US$50 sechibatiso kana achida kutongwa achibva kumba kwake. Nyaya iyi ichiri kuenderera mberi mudare. Zvakadaro, panyaya yekuti akabatwa mazamu nemukuwasha wake, payakapinda mudare Gwati akati anoda kuripwa nezvinhu zvinosanganisira mombe, huku, mupunga nezviwitsi sezvo achiti zvakaitwa naManene zvakatsamwisa shavi renjuzu riri paari.

Manene ari kuramba mhosva iyi uye nyaya ichiri kuenderera mberi kutongwa mudare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>