Uncategorized

Hwindi: Matishu ari musuweji

01 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

DAI mvura yemuKariba Dam isina kudzikira, ndaida kututa mahwindi ese kuti ndinoagezesa ndichiita ekutsika-tsika semagumbeze.Kana ndikawana hwindi wandinobata, ndinoda kumubvura pamoto ndigomupara sezondo. Ndinoda kumuputsira padombo sedamba asare avhurika, asisina chihadhi chinenge jihadhi chinokonzerwa nembanje neBronco.

Kwandiri, mbavha nemuroyi, nepfambi nahwindi vese matishu akashandiswa ari kuyerera musuweji. Regai ayerere aende ikoko kunogara tsvina. Asi nekuda kwekuti vanhu vanenge varasa mombe dzavo vanodzitsvaga, nyangwe naMwari paakashaya Adam mushure mekunge afurirwa nenyoka akamutsvaga, neniwo nhasi ndiri kutsvaga munhu akanga ari muna hwindi, hwindi asati azoita imbwa.

Ini hadisekerere mimba yembwa seinokamwa mukaka. Zvakaitwa Mapupu ndakazviitwawo, asi ini handina zvangu kuzorwisa nekutambudzwa sezvakaitwa Mapupu. Asi ndakavhiringidzwa zvekuti dai ndaive nepfuti ndakapfura hwindi paMbare.

Chinorwadza ndechekuti isu mhuri yeZimbabwe tinodarika nepamusika, asi ivo vave kuzviti vanogarapo mazuva ese, saka vave kutozviita vakakosha kudarika vamwe vanhu vese. Asika hatingamanikidzwe kubhadhara matollgate ekukwira bhazi pamusika. Ndiyo Zimbabwe yakasununguka here iyoyi yekuti vabereki vanomanikidzwa kukwira mubhazi rekwavasiri kuenda?

Pamusika mahwindi anokutyisidzira, anokubvutira, anokusaidzira, anokubira, agokushonyorora. Kana vari vakadzi vane vana unovanzwira tsitsi nekuti mwana anobvutwa kubva kumusana kwamai, uku mabhegi achidhonzerwa kumativi ese ese zvekuti unoona vakadzi vakuru vangoshama muromo kunge bhawa.

Mahwindi anoita hunhubu pasina wavanotya. Handiti mwedzi wapfuura vakauraya amai vaive nenhumbu nekuti vaivadhonza kuti vakwire mubhazi ravaisada. Zvinonzi kamoto kamberevere kanopisa matanda mberi. Kana pakasawana kutorwa matanho ticharasikirwa neupenyu isu tichisekerera mapenzi anonwa muto vamwe vachida kuseva paMbare Musika nedzimwe nzvimbo dzinokwirirwa mabhazi.

Mapurisa nemakanzuru, kunyanya yeHarare, ngavabatsire vanhu vanokwira mabhazi kuti vasamanikidzwe kana kutyisidzirwa, uye kuti vakadzi vasadhonzwe nekubatwa-batwa mazamu, mapendekete nezviuno nembwa idzi. Hazvina hunhu.

Chirudzii kuti mahwindi akanga achirova Mapupu nekuda kumubaya nebanga akanga achitaura seane tsitsi asi ivo vari varoyi? Kutobvunza munhu wauri kubira kuti, “Ungade kufira mari here?” Mapupu ane mari yenyu here?

Hwindi nyangwe imbwa inoziva kana ikanzi pfutseki, newe zvibate. Itya Mwari akasika vanhu nemufananidzo wake. Ziva kuti kana wafa uchanzwa kurwadza kunoita kukwira bhazi rinokuendesa kwausingade, asi iroro hariburukike.

Vamwe vanhu vandisisina rudo navo ndevanofamba vachizviti maporofita vobva vazobata zvinhu zvinenge makarwe, kamba ine chuma. Handirambe kuti varoyi variko, nekuti ndakakura ndichigara naambuya vangu. Rimwe gore ambuya vangu vaine dzimwe chembere nhatu dzepamaraini pedu vakanga vachibva kunobata maoko. Vakabva vashamiswa nezizi rakasvikomhara mberi kwavo masikati machena. Harina kutiza.

Chembere dzakatarisana ndokuti izizi rudzii rinofamba masikati, risingatye vanhu, uye riri kumira rakavhara nzira yedu. Vamwe mbuya vakanhonga dombo ndokuripotsera vamwe vavo vachitukirira nekupopotera zizi iri. Zizi riye rakabhururuka, asi kubva ipapo chembere dzese dzakabva dzatanga kurwara zvekuita batai-batai. Kurutsa, kuita manyoka nekurotomoka.

Asi nyangwe varoyi variko, kune vari kuita bhizimisi nechiporofita. Musakanganwe zvekumhanya – mapepanhau ari kuyambira mazuva ese kuti kune maporofita ari kubatwa achitenga mazizi, nyoka nezvimwe zvinhu zvinobatsira kuti “zvityise” vavanoshandira. Maporofita anobata nyoka nemakarwe kurova Mwari marambakutya. Mucheri wegomba achawira mariri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>