Uncategorized

‘Ini handisi mukadzi wemapoto’

18 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Trymore Muvhawa

MUDZiMAI wekuChinhoyi anoti atambudzwa zvikuru nemaitiro emurume wake uyo anobatsirana nevana vake kumurova achiudza vabereki vake kuti vari kungochaya mapoto.Mufaro Gwendo akaendesa murume wake, Claiton Gravel, kuHarare Civil Court achikumbira kudzivirirwa.

“Handina mufaro nemaitiro emurume wangu. Ane tsika yekuudza vabereki vangu kana vauya kuzoreva pfuma kwaari kuti iye neni takangogara zvedu tichichaya mapoto. Asi iye anonyatsoziva kuti tiri mukadzi nemurume kunyangwe zvazvo tisina kuroorana zviri pamutemo.

“Zvakare, anotuma vana vake kuti vandirove. Vana ava akavaita nemumwe mudzimai ini ndisati ndavepo, saka vana ivava pavanenge vachindirakasha, iye anenge achitovakuza.

“Anogarondityisidzira achiti anoda kutengesa mombe dzose opwanya dzimba iye ouya kuzogara kuno kuHarare nekuti ane imba,” akadaro.

Anotizve Gravel anoda kutengesa mombe odya mari yacho oga asi ivo vakashanda vose pakudzitenga.

“Chinondirwadza apa ndechekuti imba dzaanoda kupaza nemombe dzaanoda kutengesa takazviwana tava tose, saka ini ndinofanira kuwanawo mugove wangu kubva ipapa. Anoramba zvakare kugara nevana vangu, pane mumwe ari mugwaro rechitatu asi achinyatsoziva kuti zera iri rinoda amai pedyo. Asi vake vana ndiri kugara navo pamba zvisinei nekuti vanondirova,” akadaro Gwendo.

Achipawo divi rake, Gravel akati kunyangwe zvazvo vachimbopopotedzana semukadzi nemurume, Gwendo aitaura mashoko ekunyepa mudare.

“Mambo wangu, amai ava vanonyepa. Handina kubvira ndakavarova kana kuvarovesa nevana vangu. Hongu, tinotukana semukadzi nemurume sezvinongoitwawo mudzimba dzose.

“Kana pari panyaya yegwaro rinoratidza muridzi wepamba apa, ndinoti nderangu nekuti akandiwana ndinaro kare. Handina dambudziko kana mukamupa gwaro raari kukumbira,” akadaro Gravel.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Gwendo gwaro redziviriro ndokumukurudzira kuti kana achishungurudzwa nevana vaGravel, anofanira kuvamhan’arira vozvimirira voga mumatare edzimhosva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>