‘Ipaiwo chenjedzo kune vemitambo’

10 Feb, 2022 - 16:02 0 Views
‘Ipaiwo chenjedzo  kune vemitambo’ Dr Madzima

Kwayedza

Abel Ndooka ari kuCHINHOYI

VERUZHINJI vari kukurudzirwa kuti varambe vachitevedzera matanho akatarwa neHurumende pamwe nesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organiation (WHO) ekurwisa kupararira kweCovid-19 pamwe nekuenda kunobaiwa nhomba dzinobatsira kudzivirira chirwere ichi.

Vachitaura pakuvhurwa kwemusangano wevatori venhau kuChinhoyi nemusi weChitatu, chamangwiza weNational AIDS Council (NAC), Dr Bernard Madzima vanoti denda iri richirimo munyika muno nekudaro zvakakosha kuti vanhu varambe vachitevedzera matanho ekuedza kumisa kupararira kwaro.

“Pazvirongwa zvedu zvekurwisa kupararira kweHIV, tine chikamu chinoona nezvekurwisa kupararira kwedenda reCovid-19 nezvimwe zvirwere.

“Saka zvakakosha kuti tirambe tichitevedzera matanho ekumisa kupararira kweCovid-19 ayo anosanganisira kugara takapfeka mamasiki edu nenzira kwayo, kuzora sanitizer nguva dzose kana kugeza mawoko nemvura ine sipo uye kuenda kunobaiwa nhomba yeCovid-19. Kana takabaiwa majekiseni maviri ekutanga, zvakakosha kuti tichienda kunobaiwa booster,” vanodaro Dr Madzima.

Vanoti vari mune zvemitambo yakasiyana vanofanirwa kupihwa dzidziso izere pamusoro pezvirwere zvinosanganisira HIV neCovid-19.

“Shasha dzemitambo dzinogona kupinda panyatwa yekubatira zvirwere izvi nekuda kwembiri yavo. Saka vanofanirwa kupihwa chenjedzo yakasimba yezvirwere izvi kuti vagare vakachengetedzeka.

“Hatidi kuti tiite sekunge tinongovafarira pavanenge vagona chete tisingatarise zvimwe. Saka chenjedzo ngavapihwe kuitira kuti vagosandura mararamiro avo,” vanodaro Dr Madzima.

Kusvika nemusi weChitatu svondo rino, vanhu 230 880 vange vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa kubvira pakatanga denda iri muZimbabwe munaKurume 2020.

Pavarwere ava, 222 263 vakatopona asi vamwe 5 367 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 4 302 063 vange vabaiwa nhomba yekutanga (1st dose) yekudzivirira Covid-19 apo vamwe 3 331 549 vange vabaiwa yechipiri (2nd dose).

Vamwe 74 602 vange vabaiwa nhomba yechitatu (bootser).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey