‘Iwe uri kupfimba musikana webasa’

26 Feb, 2016 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Yvonne Manyanja
MURUME wekuendeswa kudare neaimbova mudzimai wake achinzi ari kumushungurudza pamwe nekupfimba musikana wake webasa akati ndiye ari kutogara achirohwa nemukadzi uyu.

Pamhidzai Musazambe akamhan’arira Dzingai Tarupiwa kuHarare Civil Court.

“Changamire, ini nemurume uyu takarambana. Asi anoramba achiuya kumba kwangu achinditukirira, hameno kuti dzake dzakakwana here. Mukuuya kwake anotoda kuti asiye akonzeresa saka ndinokumbira dziviriro pamwe nemhuri yangu nekuti handichatoziva kuti mangwana anogona kundiita sei.

“Hazvigumire kumba chete asi kuti anouya kubasa kwangu paRoad Port onditukirira nekundirova. Handizivi kuti anoda kuti basa rindiperere here nekuti ini handichatombozvigonawo zvababa ava.

“Musi uno ndakaudzwa nemusikana anondishandira kuti ave kutya zvekutogara akavhara gonhi nekuti vanouya vachimupfimba,” akadaro Musazambe.

Tarupiwa akaudza dare kuti Musazambe anomukumbira mari svondo rega-rega asi ari iye akamupa gupuro.

“Kutaura chokwadi uyu hameno kuti mukadzi rudzii. Anouya achindikumbira $5 pasvondo rega-rega isu takarambana. Ndivo futi vakandipa gupuro asi vanoudza dare kuti ndinovashungurudza.

“Musikana wavari kutaura ndakauya vasipo ndikangotanga kutaurawo naye. Vanoziva kunyenga here amai ava vanotaura sekunge murume? Kana vakandipa gupuro zvandinoita hazvisisinei navo.

‘‘Pamwe ndatotadza kutaura, ava amai ndivo vanotondishungurudza nekundirova saka tinoshungurudzana. Ndiri kutokumbirawo gwaro redziviriro nekuti ndingafa nekurohwa,” akadaro Tarupiwa.

Mutongi Brighton Pabwe akapa gwaro redziviriro kuvaviri ava akati vagarisane murunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey