Kwayedza
MUKURU wemadzimambo nemadzishe munyika, Mambo Fortune Charumbira, vanoshora zvikuru kurohwa kwaMambo Chivero vachiti zvakadai hazvifanirwe kumboitika kana kudzokororwa.
“Madzishe nemadzimambo vanhu vanoremekedzwa zvikuru muZimbabwe uye vanofanirwa kuita basa ravo vakasununguka.
“Panyaya iyi ndinoti mapurisa ngavaite basa ravo,” vanodaro Mambo Charumbira.
Mutauriri wemapurisa kudunhu iri anoti mapurisa vari mushishi kuferefeta nyaya iyi.