Uncategorized

‘Kacheche kakachema husiku, buda nako panze’

17 May, 2016 - 18:05 0 Views
‘Kacheche kakachema husiku, buda nako panze’

Kwayedza

Amager Mufema
MUKADZI wekuti ari kushungurudzwa nehanzvadzi yake kuburikidza nekuti mwana wake akachema husiku anonzi abude mumba achipomerwa kuti akarambirei murume anove mugaisi akazopotera kudare aona zvanyanya.

Sofia Kababa akaudza dare reHarare Civil Court kuti aoneswa chitsvuku nehanzvadzi yake Taurai Kababa.

“Changamire, ndapoterawo kuno kudare, handizive kuti kurambwa imhosva here. Tinogara pamba pevabereki nekuti ndakadzoka kubva kumurume wangu mushure mekunge tatadza kunzwisisana asi mabatirwo andave kuitwa nemwana waamai vangu haasi kundifadza.

“Mwana wangu akachema pakati pehusiku anondidzinga mumba achiti, ‘Buda panze nemwana wako, muri kundinyaudza. Unofanirwa kuraira mwana wako kuti sekuru havadi ruzha’.

“Zvino handizive kuti ndinoraira sei mwana ane mwedzi misere kuti sekuru vake havadi ruzha,” akadaro Sofia.

Akati mumwe musi aida kutemwa nefoshoro naTaurai achirambidzwa kushandisa mvura kuwacha nhumbi dzemwana airwara nemudumbu.

“Mumwe musi ndakapotswa nefoshoro ndichinzi haufanirwe kushandisa mvura pamba pano nekuti haubhadhare mvura. Musi uyu mwana wangu aive nemanyoka zvekutoti nhumbi dzake dzakatorara dzakadaro ndarambidzwa kushandisa mvura,” akadaro Sofia.

“Pandinobvunza Taurai kuti unozviitirei inga ndiri mwana waamai vako wani anobva ati dzokera kwawaihurira, pano handisi kuda nezvako,” akadaro Sofia.

Taurai haana kuda kupedzera dare nguva sezvo akatsinhira kuti anoita zvose zvainge zvataurwa naSofia asi ndokupa chikonzero chekuti hanzvadzi yake yanyanya kungomitiswa ichidzoka pamba izvo zvinomurwadza.

“Zvose zvaataura ndinozviita, handipokane nazvo.Chikonzero ndechekuti Sofia akauya nenhumbu yekutanga tikamutambira mwana akura akamusiya. Pasina chinguva akauya zvakare nenhumbu ine mwana mucheche aripo nhasi uyu.

“Takabvunza murume wake kuti ko chaive chii chavainetsana nemurume wake, ndipo ndakanzwa kuti sisi vakange varamba murume vachiti handikude nekuti uri mugaisi. Zvino hamheno maida kuti ndiite seiwo ndanzwa nyaya yakadai?” akadaro Taurai.

Mutongi Barbra Mateko akapa Sofia gwaro redziviriro ndokuti Taurai asiyane netsika yake yekushungurudza Sofia, kumutuka nekumutyisidzira nefoshoro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey