Uncategorized

Kacheche kakatsakatika mumba

22 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Kacheche kakatsakatika mumba

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUDZIMAI wekuZvishavane anoti akashaya neremuromo svondo rapera apo mwana wake mucheche akatsakatika mumba kuSt Mary’s, kuChitungwiza, umo maainge akarariswa husiku, ndokuzomuwana ari kumakuva eko.

Mukadzi uyu ainge ashanya kuChitungwiza.

Mai Clotilda Makwene (48) vanoti vainge vashanyira tete, hanzvadzi yemurume wavo, apo vose vakazoshamisika nekushaya mwana uyo vakazonowana ari kumakuva.

“Takabva kumba tanetsana nemurume nekuda kwekuti haasi kundichengeta, ava kungosimbira kumukadzi wake mudiki nyachide anogara kuGweru uko kune imwe imba yedu. Ndakasvikotaura nyaya yangu ndikapihwa pekurara, tete vachiti nyaya iyi taizoitaura rechimangwana racho,” vanodaro.

Mudzimai uyu anoti akarara nemwana wake mucheche uyo ane mwedzi mitatu.

Mai Makwene vanoti vakazomuka kunze kwave kuedza ndokuwana mwana wavainge varara vachiyamwisa asimo mumba, asi gonhi rakakiiwa.

“Ndakaridza mhere tete nevana vavo vakamuka ndokubva ndavhura dhoo vakatoonawo mwana asimo mumba. Tete vakazoti tiende kunozvitsvaga kuimwe n’anga.

“Takatora motokari yemuzukuru, mwana watete, tichibva taenda ikoko, uko takanotaurirwa kuti mwana aiva mupenyu ari kumakuva,” vanodaro.

Vanoti vakapfungaidzirwa mishonga vose ndokuudzwa kuti kune vanhu vari kurwisana navo vachida kuti vasiyane nemurume.

“Takanzi pane mhepo yaiva yatumidzirwa kuti varoyi vatore mwana vagomupindura kumuita chidhoma kana chikwambo. N’anga iyi yakazotipa vainoshanda navo ndokuenda tose kumakuva ekuChitungwiza tikanowana mwana uyu achitotamba pakati pemakuva, asina kana chakamukanganisa,” vanodaro Mai Makwene.

“Takasvika kumakuva uku kunze kwaedza asi hapana munhu watakaona aine mwana uyu. Ini ndakanga ndava kutomutya mwana wangu ndichiti chikwambo kana kuti chidhoma.”

Mai Makwene vanoenderera mberi: “Nyaya yekushushwa kwangu nemurume yakazoshaya basa tave kumhanyidzana nekushaikwa kwemwana. Tete vakazoridzira hanzvadzi yavo nhare ini ndokuzobvako ndichienda zvangu kuZvishavane. Ndiri kuronga kudzokera kumba kwedu kuMasvingo sezvo ndazvitadza zvemba zvacho nekuti murume ave kuda mukadzi mudiki.”

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemurume wemudzimai uyu pamwe natete vake zvisinei nekumboedza kuvabata panhare dzavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>