Uncategorized

Kacheche kanhongwa pakati pemugwagwa

22 Jul, 2022 - 17:07 0 Views
Kacheche kanhongwa pakati pemugwagwa Insp Nobert Muzondo

Kwayedza

Liberty Dube

MWANA kasvava achangobva kuzvarwa akaita rombo rakanaka rekurarama mushure mekununurwa nevanhu vane tsiye nyoro apo aive arasirwa pakati pemugwagwa weMutare-Harare husiku asina kupfeka nguva pfupi yadarika.
Mucheche uyu anova mwanasikana, ainge asina kana chaakapfekedzwa paakaonekwa kuma2 mambakwedza uye pane fungidziro huru yekuti akaraswa naamai vake.

Aive akaiswa mubhegi repurasitiki uye akaonekwa nemumwe mukadzi nemurume vasina kuzivikanwa avo vaifamba nemotokari mumugwagwa uyu.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Norbert Muzondo vanoti mwana uyu akatotorwa nemumwe murume nemudzimai wake avo vatova vachengeti vake.

“Pane mudzimai nemurume wake vaifamba nemotokari yavo mumugwagwa weHarare-Mutare vakananga kwaRusape kuma2 mambakwedza. Vachisvika pedyo nechinhambwe chemakiromita 180km, vaviri ava vakaona bhegi repurasitiki raive pakati pemugwagwa.

“Vakabva vangomira ndokudzika vachida kuona kuti chaive chii, ndipo pavakaona kuti mubhegi iri maive nemwana,” vanodaro Insp Muzondo.

Vaviri ava vanonzi vakazoendesa kasvava aka kumapurisa anoshandira mumugwagwa vaive chinhambwe chemakiromita175km peg vachibva vanotora mupurisa wavakaenda naye kuchipatara cheRusape General Hospital kuti mwana uyu anotanga kubatsirwa.

Zvakazoonekwa kuti akanga asina dambudziko uye aive achangobva mukusunungukwa.
Mwana uyu akapinzwa muwadhi inosunungukira madzimai panguva iyo ainge akamirira kuendeswa kunzvimbo yakakodzera.

Mapurisa akapembedza basa rakaitwa nemudzimai nemurume vakanunura mwana uyu asi ndokushora zvikuru zvakaitwa naamai vake zvekunomurasa pakati pemugwagwa.

“Zvakaitwa naamai vemwana uyu hutsinye. Hatikurudzire kuraswa kwevana uye tinokurudzira vanoda kuzova vanaamai vangangotadza kuriritira vacheche vavo kuti vaende kumapoka akadai seDepartment of Social Welfare kana vamwe vatsigiri vobatsirwa ikoko.

“Pane nzira dziripo dzekubatsira vabereki vasingakwanise kuchengeta vana vavo. Tinorumbidzawo vane tsiye nyoro vakanunura mwana uyu nebasa rakanaka ravakaita.

“Vakaita zvakanaka chaizvo nekuita zvinhu nenguva uye nekukasika kuitira kuti mwana achengeteke. Mabasa akadai anorumbidzwa,” vanodaro Insp Muzondo.

Share This:

Sponsored Links