Uncategorized

Kamba ine wivhi mumba

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Kamba ine wivhi mumba

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
YAKAVE batai-batai paimwe imba iri kuRuwa apo kamba yainge yakapfekedzwa wivhi uye ichidonhedza hupfu muzvitsiko zvayo yakaonekwa ichifamba-famba muimba yekubikira.

Izvi zvinonzi zvakaitika paimwe imba iri munaGushungo Road nemusi weChitatu chadarika apo mudzimai wepamba apa – uyo akangozviti anonzi Amai Mary – asi ndokusada kutaura zvakawanda pamusoro penyaya iyi.

Kamba iyi inonzi yakaonekwa nemwana wepamba apa apo akavhura gonhi remumba yekubikira apo ainge achangobva kuchikoro. Mwana uyu anonzi akaita mahwekwe nekamba iyi asi haana kuziva kuti chaive chii.

Muvakidzani wepamba apa, Mai Jane Simbili (57), vanoti vakashamiswa nechiitiko ichi.

“Amai vepamba apa ndi ‘officer’ saka ivo vangomuka vachienda kubasa murume wavo achiendawo kwake. Mwana wavo weGrade 1 paadzoka kubva kuchikoro apinda mumba ndokuona chinhu chichifamba mupaseji ndokubva ashaya kuti chii asi change chichidonhedza hupfu chichifamba,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Mwana uyu azoshevedzera kuna vamwe vanhu apo tazoenda tikaona kuti ikamba. Kamba iyi yanga iine wivhi yeruvara rwupfumbu (brown), iya inoita zvekunamirirwa mumisoro yevanhu kuti iite sekunge vhudzi.

“Saka babamudiki vemwana uyu vange vari pane imwe imba iri pedyo, ndivo vazouya vakaibhutsura payange yave kuenda pamberi pechivanze. Aiwa, zvinotyisa.”

Vanoti vagari vemunharaunda yavo vari kushamisika kuti kamba iyi yakabva nekupi.“Babamudiki vacho vazoikwidibira nebhaketi saka pandaenda kunovhura ndashamisika nekuti ndatoona iine zvinhu zvakaita segoridhe. Ndini ndazofonera ‘officer’ kuti kumba kwenyu kwaita mashura vachibva vauya zvekuti vatochema zvikuru mushure mekuiona,” vanodaro Mai Simbili. Kamba iyi inonzi yakazotorwa nemumwe anoshanda nemuridzi wepamba apa ndokuiisa mumugomo vachibva vanoikanda kunjanji iri munzvimbo iyi.

Mashoko avo anotsinhirwa naMbuya Dorcas Gwaze (60) vachiti, “Pamwe kudai vanhu vanga vasingaite ruzha kamba iyi ingadai yaburitsa musoro wose.”

Mumwe mudzimai wechidiki ari muvakidzani zvakare, Patience Rusike (33), anoti kamba iyi yakange iine wivhi nekabandi kanopenya uye yaifamba ichidonhedza hupfu.

Mamwe madzimai emunharaunda iyi ndiwo ari kuti vanoshaiswa hope nekamba iyi vachiti pamwe ndiyo inovayamwa mazamu avo zvichiita kuti vana vavo vashomekerwe nemukaka.

Zvakadai, mudzimai wepamba apa – uyo akangoda kuzivikanwa nezita rekuti Amai Mary – haana kuramba kana kubvuma nyaya iyi.

“Kutaura chokwadi hapana chandinotaura pamusoro penyaya iyi. Pamwe ivo vanhu vari kuti vari kuyamwiwa nekamba iyi ndivo vaitumira, kusanganisira vakufonerai vacho kuti muuye kuno. Pano hatizvizivi. Kutaura chokwadi ‘I am an officer’, handibvumidzwe nemutemo kutaura nemi.

“Basa rangu ndinoriita 24 hours asi zvaitika pano zvatotishamisawo. Tipei nhamba dzemunhu akufonerai wacho,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Kamba yatakurwa nemapurisa akaenda nayo. Titori panguva ye ‘confusion’ izvozvi.”

Vainzi babamudiki vemudzimai uyu — avo vasina kuda kuzivikanwa zita ravo zvakare — vanotiwo, “Chaitika ndechekuti mhamha vanga vari kubasa, ini ndini ndange ndiri pano asi handina chekutaura, maita basa. Munoda kunyora kuti chii nekuti kana isu tiri kutoshamisika nezvaitika izvi?” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>