Kamoto kamberevere kakapisa matanda mberi

16 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Kamoto kamberevere kakapisa matanda mberi

Kwayedza

MUMWEDZI waZvita takaita rombo rakanaka rekuongorora nyika dzemuAfrica dzinoti Zambia, South Sudan, Kenya, Egypt neTunisia munhau yeHIV nechinangwa chekuona kuti ivo vasvika papi munhaurwa iyoyi. Nhasi tadzoka kumusha uko tinoona kuti kuchine vanhu vari kutapurira utachiona hutsva hweHIV.

Zvino kana zvakamira kudaro zvinoreva kuti nhau yekuti hakuzove nemunhu anotapurira utachiona hutsva mugore ra2015 zviroto.
Takatarisa mapurovhinzi emunyika muno, veNational Aids Council (NAC) vakazivisa kuti utachiona huri kubhebha kuMatabeleland South uko vanhu zvikamu makumi maviri nemumwe kubva muzana vari kurarama neutachiona hweHIV. Izvi zvinhu zviri kuita kuti bazi reutano nekurerwa kwakanaka kwevana neNAC vaise misoro pamwe chete vatsvage nzira dzekuti kutapurirana kweutachiona hutsva kuderere mudunhu iri.

Kurarama kwenguva ndefu kwevanhu vanorarama neutachiona hweHIV chinhu chakanaka nekuti zvinoreva kushanda kwakanaka kwemishonga yemaARV.

“Huwandu hwevanhu vanorarama neutachiona hweHIV munzvimbo iyi ingave nzira yekurakidza kushanda kwakanaka kwemishonga yemaARV. Nerumwe rutiviwo zvinoreva kuti vanhu vatsva vari kubatira utachiona hweHIV zvinove zvinodzorera chirongwa chekukunda utachiona kumashure,” vakadaro VaAmon Mpofu vanove Monitoring and Evaluation Director kuNAC nguva yadarika pamusangano wakaitwa kuKadoma.

Matabeleland South ndiyo ine musuwo wekuenda kuSouth Africa naizvozvo kupfuura kweruzhinji rwevanhu munzvimbo iyi kunogona kuve nechekuita nekuti utachiona hunge hwakati kwirei kupfuura dzimwe nzvimbo.

Guta reBulawayo rinotevera riri pa19 percent kozoti Matabeleland North ine 18 percent.
Guta reHarare riri pa13 percent asi hazvisi zvekuridzira ngoma. Zvingave zvichireva kuti vanhu vakatanga kunwa maARV vemunzvimbo iyi vari kufamba kuenda dzimwe nzvimbo kana kuti vari kufa samare.

Muguta reBulawayo vanhu vazhinji, avo vatisina huwandu hwavo vanoshandira kuSouth Africa, Botswana kana kuti kuNamibia. Izvi zvinoreva kuti kusagara pamwe kwemhuri nevadikani kune chinetso sezvo tichiona vamwe vasingazokwanisi kugonyera pamwe.

Izvi zvinogona kuve zviri izvo zvaitawo kuti utachiona hunge hwakati kwirei mudunhu reBulawayo.
Chinhu chinokatyamadza pazvinobuda mutsvakiridzo idzi ndechekuti Harare yakaonekwa iri iyo yatungidza mureza pazvirwere zvepabonde mugore ra2013 kunyangwe iine utachiona hweHIV huri pa13 percent.
Zivai kuti kamoto kamberevere kakapisa matanda mberi.

“Harare yakaonekwa iine vanhu 13 000 vakaita zvirwere zvepabonde mugore ra2013 uye uyu mucherechedzo une mubvunzo,” Dr Prosper Chonzi Director weCity of Harare Health Department vakataura kudaro nguva yadarika.

Gwenya rezvirwere zvepabonde iri rikarega kudzima mungaone Harare yosimudza utachiona hutsva hweHIV yotungamira.
“Zvirwere zvepabonde zviri kukwira muHarare zvinove zvinoratidza kusashanduka kwenzira dzeunzenza.

“Kune inonzi A,B,C pachirungu zvichireva abstain, behaviour change kana kuti chishandisa kondomu kana usingagone zviviri zvekutanga,” akadaro Shephard Mukandabhutsu uyo anove nhengo yeTashinga rinove sangano revanhu vanorarama neutachiona hweHIV kuDzivarasekwa.
Nhau ichiripo naizvozvo iwe neni tine basa kuti kusave neutachiona hutsva hunopararira mugore rino kuenda mberi.

Wenyu:[email protected].

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>