Uncategorized

‘Kanzuru inoremekedza tsika’

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

MUTAURIRI wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti kunyangwe zvazvo vanhu vachipihwa nguva dzekuviga vashakabvu vavo, ivo sekanzuru vanoremekedza zvikuru tsika dzekuvigwa kwevafi dzinoitwa nemarudzi akasiyana.

“Ichokwadi kuti muno muHarare, kunyangwe kupi zvako, vanhu vanotenga makuva vopihwa nguva dzekuviga. Asi nyaya hombe ndeyekuti tinotaurirana nguva dzatinowirirana tose zvichifambirana nechivanhu chavo chavanoviga vafi, angava mangwanani, masikati kana zuva rodoka,” vanodaro VaChideme.

Vanoti vanocherechedza chivanhu chose, chingava chevanhu vemuno kana vekunze, sezvo mavigirwo evafi achisiyana rudzi nerudzi.

“Munyika muno mune tsika dzakasiyana, vamwe vanoviga zvitunha mangwanani, vamwe masikati koitawo izvozvo zvekuti kubva na12 kusvika na2 hakuvigwe zvitunha, zvinosiyana. Tinavo vamwe vanononoka kunoviga mitumbi yehama dzavo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana apo vanotaura nevashandi vedu vekumahofisi emakuva,” vanodaro.

“Asi isu sekanzuru yeHarare regai ndizivise veruzhinji kuti nguva yedu yekuviga zvitunha inotanga na11 mangwanani kusvika na3 masikati. Apa ndipo patinowirirana nguva dzinodiwa nehama dzevafi kuti vavige vafi vavo, tinoitirawo kuti vanochera makuva vawane nguva saka tichizotanga na11.”

Vakapa muenzaniso wekuti kunyangwe vanoda kupisa mitumbi yehama dzavo vanoita izvi pasina dambudziko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>