‘Kasikai kuvhenekwa nekurapwa gomarara’

06 Nov, 2023 - 21:11 0 Views
‘Kasikai kuvhenekwa nekurapwa gomarara’ Mamwe madzimai vakapona kubva kudenda regomarara

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIRONGWA chekuunganidza mari yekubatsira vanotambudzwa nezvirwere zvegomarara, cheZimpapers Cancer Power Walk, chakaitwa kumatunhu anoti Harare, Bulawayo, Gweru, Masvingo neChinhoyi nemusi weMugovera wadarika izvo zvakaona veruzhinji vachiwaniswa mashoko edzidziso maringe nedenda iri pamwe nemikana yekuongororwa pachena.

MuHarare, chirongwa ichi chakaitirwa kuOld Hararians Sports Club veruzhinji vakamhanya pamwe nekufamba kwemakiromita mashanu kana gumi uyewo vamwe ndokushandisa mabhasikoro.

Vakapinda muchirongwa ichi vaibhadhara US$10 kuti vazomhanya kana kufamba apo vaishandisa mabhasikoro vaibhadhara US$20.

Mari yakaunganidzwa nekambani yeZimpapers ichaendeswa kusangano reIsland Hospice kuti inobatsira varwere vegomarara.

Vachitaura pachiitiko ichi, VaTatenda Chiweshe, avo vanova nhengo yebhodhi reZimpapers, vanoti kambani iyi yava nemakore mazhinji ichiita mabasa etsitsi, zvikuru ichishanda nesangano reIsland Hospice mukurwisa gomarara.

“Ndinokutendai mose mauya kuzotsigira chirongwa ichi, kunyanya varongi nekuti hondo yekurwisa chirwere chegomarara inoda mukomberanwa kuti tiikunde,” vanodaro.

Veruzhinji vakawaniswawo mikana yekuvhenekwa gomarara nezvimwe zvirwere zvisina zviratidzo pachirongwa ichi uye varume vakakurudzirwa kuti vapote vachivhenekwa gomorara redundiro (prostate cancer).

Mukushi wemashoko kukambani yeZimpapers, Pauline Matanda, anotenda vatsigiri nevese vakazvipira kuva pachirongwa ichi kuti chifambe zvakanaka achiti vanoita izvi zvichifambirana nemwedzi yekucherechedza denda iri.

Vachitaura neKwayedza parutivi, vamwe vevakabatwa negomarara mumakore apfuura asi vakakunda vanoti zvinongoda kukurumidza kuvhenekwa kuti zvive nyore kurapika.

Mai Tinashe Chihwayi

“Ndiri mudzimai ane makore 42 okuberekwa, ndakabatwa negomarara remuchibereko (ovarian cancer) muna2010 kureva kuti ndava nemakore 12 ndarapwa gomarara iri. Ndakatanga ndichirwadziwa zvikuru panguva iyo ndainge ndichitevera ndichiita jeko rakanyanya.

“Muna2010, zvakabva zvadzimba zvekusvika pakundiradzika pasi, ndipo pandakazoenda kwachiremba ndikavhenekwa uye ndikaonekwa kuti ndaive negomarara remumaovhari ndikarapwa, nhasi uno ndava mutano.

“Ndinotenda kambani yeZimpapers nezvirongwa zverudzi urwu, nhasi ndamhanya makiromita gumi azere asi ndamboneta pandasvika pamakiromita manomwe ndikazoramba ndakashinga sedzidziso yandakapihwa pandaiitwa ‘chemotherapy’ yekupisa masero anokonzera gomarara nekuti ndakadzidziswa kushinga kudakara zvaita,” anodaro Tinashe Chihwayi.

Mai Regnice Gutsa

Mai Renice Gutsa (56) vanoti vakaziva kuti vane gomarara remuzamu vaine makore 38 ekuberekwa kureva kuti vava nemakore 18 azere mushure mekurapwa.

“Ndakabatwa gomarara iri muna2006, ini handina kana kumboita bundu muzamu asi kuti minyatso yangu yakangotanga kubuda ropa ndichibva ndanovhenekwa ndikaonekwa kuti ndine gomarara. Ndakazvigamuchira nekuti mhuri nevekubasa kwangu vainditsigira kusvika nhasi uno.

“Vamwe vanhu vanotaura zvisiri izvo nekuti ndainzi kana ukaita gomarara unofa saka ndakasarudza kuva neshamwari dzinotaura zvinhu zvine musoro nerukudzo. Kutaura kuno ndatova nevazukuru vangu vaviri ndiri mutano. Zamu rangu rakatobviswa ndichibva ndapihwa rekuisira,” vanodaro.

Mai Monica Chibaya

Mai Monica Chibaya vanotiwo: “Ndava nemakore 21 mushure mekuvhenekwa gomarara. Kukereke kwedu kuSeventh Day Adventist Church takawaniswa dzidziso iri maringe negomarara kuti tinovheneka sei tega kudzimba saka ndaizviita kumba, ndaisava nebundu mukati asi ndakatanga kubuda ropa paminyatso. Ndakazonovhenekwa chinyama pazamu (biopsy) chikaonekwa chiine masero egomarara. Ndakatanga rwendo rwangu rwekurapwa ndikabviswa zamu, nanhasi ndiri mutano,” vanodaro.

Vakatsigiri chirongwa ichi vanosanganisira bhanga reFBC Holdings, Sunny Yi Feng Tiles, West Group Security Services, Medicines Control Authority of Zimbabwe, West Property, Masuka Christian High School, Bak Logistics, Rue’s Paper Flowers, Sir Charles Hybrid Travel & Tours, Ambulance Care and Evacuation, Oriental Multi-Media, Pathology Laboratories, Hitbay, Medicine Shoppe Pharmacy, MIC Radiology, Baines Intercare Medical Centre, Radiation Protection Authority of Zimbabwe, Speed Bikes, Zimswitch, People’s Republic of China, Allied Health Practitioners Council of Zimbabwe, Zimbabwe National Family Planning Council Masvingo, Zimbabwe Stock Exchange neFLIMAS.

Share This:

Sponsored Links