Kasikana (13) koita zvinorova nechess

11 Mar, 2016 - 00:03 0 Views
Kasikana (13) koita zvinorova nechess Panashe Zimbili aine menduru nemukombe zvaakahwinha.

Kwayedza

KASIKANA kanodzidza paMupfurudzi Primary School, kuShamva, kari kushura mare mumutambo wechess izvo zvaona kachihwinha menduru shanu, mukombe pamwe chete nezvitupa mumitambo yakasiyana yemuno neyekunze kwenyika.

Panashe Zimbili (13), uyo ari kuita Grade 7, akahwinha menduru shanu dzegoridhe neimwe chete yebhuronzi mumakwikwi akasiyana.

“Ndinofara zvikuru nekusarudzwa kwandakaitwa pachikoro pedu kuti ndinokwikwidza mumutambo wandinofarira zvikuru wechess. Mutambo uyu ndakaufundiswa neshamwari yangu ndiri mukirasi chaimo.

“Mugore ra2015, ndakakwikwidza muzvikoro zvakawanda mumakwikwi eZimbabwe Chess Master zvaisanganisira Hallingburg Primary muHarare, Windview Primary kuRuwa neTwin Rivers kuBelgravia muHarare zvakare. Ndakakwikwidzawo kuZambia nekuBotswana kunova kwandakahwinha menduru dzakawanda,” anodaro Panashe.

“Ndakazvarwa musi wa10 Ndira 2003, ndikapinda mumitambo yechess muchikwata chemaUnder-12 ndakamiririra Zimbabwe kuBotswana neZambia. Ndakakwanisa zvakare kupinda mumakwikwi eAfrica Schools Chess Championship kuBotswana ndichitsigirwa nesangano reJudith Charity Foundation iro rinotungamirirwa naMai Judith Mutekede vanove vakandibatsira kuti ndiwane pasipoti nemari yekunyoresa kupinda mumakwikwi aya. KuGaborone, mumwedzi waNyamavhuvhu gore rapera ndakahwina maround mana nechidimbu kubva mumaraundi mapfumbamwe atakatamba.”

Panashe anoti kuZambia akahwinha mitambo mitanhatu kubva pamipfumbamwe uye akatora nhamba yechina kumitambo yemaUnder-12 Girls Section.

Zvakadaro, VaTinarwo Muzorori (40), avo vanove chess master vari zvakare murairidzi pachikoro ichi vanorumbidza chipo chaPanashe.

“Paakatamba kuZambia, Panashe akaita mangange nemutambi wekuSouth Africa asi akazoderedzerwa pamapoinzi ake apo akazokundwa nemutambi wekuEygpt izvo zvakaita kuti awanikwe ave kutora nhamba yechina. Nekuda kwehunyanzvi hune mwana uyu, akapihwa zvibodzwa (world ratings) 1 354 nesangano guru rinoona nezvemitambo yemhando iyi rinonzi FIDE riri kuSwitzerland,” vanodaro.

Panashe anoti akahwinha zvakare mukombe apo akapinda mumakwikwi eZimbabwe Open akawana Best Scholar Award pamwe nemubairo weUS$50.

“Pari zvino ave kugadzirira kunopinda mumakwikwi eChess Olympiad kuEurope. Panashe mwana anobva kumhuri inotambura uye anogara naambuya vake avo vasiri kunzwa zvakanaka. Takaona kuti ane chipo chikuru chinofanira kutsigirwa,” vanodaro VaMuzorori.

“Nekuda kwehunyanzvi huri kuratidzwa naPanashe, takadzidza kuti zvipo zvirimo zvakawanda muzvikoro zviri kumaruwa asi rutsigiro rwemari ndirwo runodiwa kuti vana ava vaonekwewo.

“Mari dzekufambisa nezvekudya pamwe nekutsvaga magwaro ekufambisa zvinowanzoshaikwa kuvana vari kumaruwa izvo zvinoita kuti matarenda avo aperere murima,” vanodaro.

Panashe ari kutarisirwa kunokwikwidza mumitambo yeOpen Chess ichaitwa pazororo rePasika kubva nomusi wa25-28 Kurume paNew Ambassador Hotel, muHarare, uko achakwikwidza nevanhu vemazera akasiyana.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>