Uncategorized

Kasikana konzi kapedza varume

13 Jul, 2016 - 08:07 0 Views

Kwayedza

Gabriel Singano

KASIKANA kekupomerwa kuzezesa munharaunda yakanogara nekutora varume vevaridzi kakazodhonzerwa kudare mushure mekunge katukirira mumwe mukadzi ndokuzokwekweretsa murume wake kakamubata bhande kachienda naye.Sarudzai Manzvimbo akaudza dare reHarare Civil Court kuti Yeukai Bhigara anetsa nekutora varume vevanhu uye kana ave kutukirira haana ganda kumeso.

“Changamire, kamwana aka kakaenzana nevana vangu vandakabereka zvokuti hakafaniri kutorera isu anamai vako varume. Ukamubvunza mwana iyeyu, anotokutsvukisira kumeso agotukirira raini rose richinzwa.

“Izera remwana wangu asi ava kutora zera rababa vake kuita murume. Ivo varume vose vapera nako kamwana ikaka. Kanototi varume ivava varume vakowo uye hatina chanzi kana kachipopota,” akadaro Manzvimbo.

Akaenderera mberi achiti murume wake paanouya kumba Bhigara anototevera omukwekweretsa akabamuta bhande achienda naye veruzhinji vachiona.

“Murume wangu akauyawo kumba unotoona kachiuya kopopota pamusuwo zvokuti murume akasabuda kanotukirira kozomukwekweretsa bhurukwa vachienda. Izvi haaitire pamba pangu poga asi kutori nedzimwe dzimba nhatu dzemunharaunda dzaari kushungurudza,” akadaro.

Bhigari akaudza dare kuti iye naManzvimbo vari pachipari.

“Ini nditoriwo mukadzi wemurume iyeye. Amai ava ndingavatukirei hangu? Ndinotongoenda kumba kwavo ndakaona kuti murume anenge agarisa asingauye kwangu nekuti tine mwana tose,” akadaro Bhigari.

Akati haadanane nevarume vakawanda asi kuti Manzvimbo ndiye anofambisa mashoko akaipa pamusoro pake.

“Ini handina chipari chevarume asi kuti amai ava ndivo vanongondishambadza zvenhema,” akadaro.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa Manzvimbo gwaro redziviriro ndokuyambirawo Bhigari kuti asiyane nekatsika kekumutukirira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>