Kepe-kepe yorongera DeMbare

02 Apr, 2015 - 19:04 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka
KUNOTSVA demo kuchisara mupinyi svondo rino pazororo repasika mumitambo yeCastle Lager Premier League apo zvikwata zvenhabvu zvichange zvichirwira kutora zvibodzwa zvekukwira kuenda pamusoro pelog. Vatsigiri venhabvu vachatapirirwa zvikuru kubvira svondo rino musi weChina apo CAPS United iri kunanga kuBulawayo kunosangana neHow Mine kunhandare yeLuveve Stadium.
Zvikwata zvose zvichatamba mitambo miviri uye mitambo mizhinji ichange iriko musi weChishanu, Svondo neMuvhuro.

Asi maziso evatsigiri venhabvu vazhinji achange akamirira musi weMuvhuro apo CAPS United ichasangana neDynamos FC mumutambo weHarare Derby wekutanga wegore rino uyo uchatambirwa kuNational Sports Stadium.

Zvikwata zviviri izvi ligi risati ratanga, zvakasangana katatu mumitambo inoti Sino-Zim Challenge Cup, Bob 91 Super Cup neZimbabwe National Army Charity Shield, Dynamos ikahwina mitambo miviri Kepe-kepe, sezita remadunhurirwa reCAPS United, ikahwina mumwe chete.

Kepe-kepe makore adarika pose payange ichisangana neDeMbare yange ichitatarika zvikuru nekuti yaingokwapaidzwa asi kuuya kwaMark Harrison kuchikwata ichi kwaunza shanduko huru nekuti iye zvino iri kutamba nhabvu inonwisa mvura.

Pari zvino Kepe-kepe neDeMbare ndizvo zvega zvakwanisa kuhwina mitambo yazvo miviri yazvatamba kubvira pakatanga mitambo yemwaka uno.

DeMbare, iyo iri kurairidzwa naDavid Mandigora, iri pamusoro pelog nekuda kwekusiyana kwezvibodzwa zvakanwiswa chete (goal difference) uye svondo rino panogona kuonekwa shanduko mumamiriro elog.

Mumitambo yazvo yekupedzisira yemuPSL yazvakasangana gore radarika, Kepe-kepe yakakwanisa kuita mangange neDeMbare 1-1 mumutambo wekutanga apo yaive pamusha payo asi wechipiri yakazokundwa 2-1 kuNational Sports Stadium.

Zvakadaro, mumwe mutambo unogona kufarirwa nevatsigiri venhabvu svondo rino uchaona Harare City ichibandana neFC Platinum kuRufaro Stadium musi weSvondo.

FC Platinum haina kutanga zvakanaka mwaka wayo nekuti mumitambo miviri inongove nechibodzwa chimwe chete icho chayakatora payakaita mangange 2-2 neDongo Sawmill mumutambo wayo wekutanga.

Mumutambo wechipiri, chikwata cheFC Platinum, icho chiri kurairidzwa Norman Mapeza, chakakundwa 1-0 neKepe-kepe kuNational Sports Stadium.

Kune rimwe divi, Harare City yakagadzirisa pakayaresva mumutambo wayo wekutanga izvo zvakaiona ichirikitwa neTsholotsho FC 1-0 ndokuzokunda Chicken Inn 2-0.

Zvakadaro, Highlanders ‘Bosso’ gore rino yatanga mwaka wavo zvisina mutsindo sezvo yakarikitwa mutambo wekutanga 2-0 neZPC Kariba ndokuzohwina zvekutatarika wechipiri 1-0 apo yakakunda Tsholotsho.

Svondo rino iri kusangana neHwange iyo yakairakasha 3-1 gore radarika kuColliery Stadium kuHwange.
Bosso ichange iri pamusha, inotofanirwa kukwidzira masokisi ayo kana ichida kupfuura paHwange iyo yakaita mangange 3-3 neZPC Kariba mumutambo wayo wekupedzisira.

Mitambo
China
How Mine vs CAPS United, Luveve Stadium
Chishanu
Whawha vs Harare City, Ascot
Chicken Inn vs Tsholotsho, Luveve
ZPC Kariba vs Buffaloes, Gwanzura
Highlanders vs Hwange, Babourfields
Dynamos vs Dongo Sawmill, Rufaro
Triangle Utd vs Chapungu, Gibbo

Svondo
Harare city vs FC Platinum, Rufaro
Flame Lilly vs How Mine, Gwanzura

Muvhuro
Dongo Sawmill vs Triangle Utd, Vengere
Chicken Inn vs Whawha FC, Luveve
CAPS United vs Dynamos, NSS
Tsholotsho vs Hwange FC, White City
Chapungu vs ZPC Kariba, Ascot
Buffaloes vs Highlanders FC, Vengere/Sakubva

Chitatu
FC Platinum vs Flame Lily FC. Mandava

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>