Kitch akasayina kondirakiti

09 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

MUTAMBI werugby weLeicester, Graham Kitchener, akasaina imwe kondirakiti itsva kuchikwata ichi icho chinokwikwidza muAviva Premiership.

Kitchener (25) ari mugore rechina achitambira kuWelford Road zvichitevera kutengwa kwaakaitwa nemaTigers achibva kuWorcester muna 2011.

Kondirakiti yake itsva iyi iri kuuya zvichitevera kutengwa kwaOwen Williams wekuWales neLeicester.

Kitchener akambotambira England Saxons uye akambenge ari muchikwata cheEngland chevakuru kunyangwe hazvo asati ambochitambira.

“Kitch’ akagadzira zita rake uye mumwe wevatambi vepamusoro vari muchikwata chedu, atamba zvinonwisa mvura mumakore ake mana kuno,” Leicester rugby director Richard Cockerill akadaro.

“Pamwe nekuvandudza matambiro ake, akasvika pakutora danho rekutungamira chikwata uye isu tinoda kumuona achikura muchikwata chedu ari pakati pevatambi vechidiki vatinavo kuno.

“Ange ari mutambi wepamusoro mumitambo mikuru yedu muAvia Premiership nemuEurope, uye tinovimba kuti acharamba achikura mutambo wake uchishanduka kuno”. — Sky Sports News

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>