Uncategorized

Kodzero yemidziyo yakatengwa muwanano

21 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Rumbidzai Tawonezvi-Moyo

MUZIMBABWE tine mhando nhatu dzewanano dzinoti Civil Marriage pasi pemutemo weMarriage Act chapter 5:11 (iyo yaimbozivikanwa seChapter 37 kare); Registered Customary Law Union pasi pemutemo weCustomary Marriages Act Chapter 5:07 (waimbozivikanwa seChapter 238) neUnregistered Customary Law Union (UCLU).

Mhando dzose dzewanano idzi dzinowanikwa pasi pemipande inoti “Out of Community of Property and Out of Profit and Loss”. Izvi zvinoreva kuti changu ndechangu uye chako ndechako.

Chinyorwa chino chichaongorora kodzero yemidziyo yewanano pasi pemuchato weMarriage Act Chapter 5:11.

Mudziyo wose waunotenga panguva yewanano uri muzita rako ndewako zvimwe chetezvo kune mumwe wako waunenge wakachata naye.

Semuenzaniso, Chipo naJohn vakawanana musi wa10 Gumiguru muna 2010. John anotora chikwereti chemari kuCABS otenga imba ine makamuri mana kuDzivarasekwa iyo iri muzita rake.

Imba iyi nekudaro ndeyaJohn, Chipo haana mugove pamusoro payo sezvo isiri muzita rake.

Semuridzi wemba, John akasununguka kuita zvaanoda nayo zvakaita sekuisa maroja achiwana mari kana kuitengesa pasina kuwirirana naChipo.

Zvisinei, kune zvinhu zviviri zvinoita kuti munhu ari muwanano akwanise kuve nekodzero yemudziyo inenge isiri muzita rake:

1. Kana mumwe afa

2. Kana varambana

RUFU:

Kana mumwe ari muwanano afa, uyo anenge asara ndiye anove muridzi wemidziyo inenge iri muwanano. Semuenzaniso, imba yaChipo naJohn inenge iri kuBelvedere. Imba iyi yaive yakanyoreswa muzita raJohn ichinzi ndeyake ega. John akazofa muna Ndira munjodzi yemumugwagwa nemotokari. Chipo, sezvo ndiye anenge asara achirarama anove muridzi wemba iyi nemimwe midziyo.

KURAMBANA:

Kana vari muwanano varambana, kunyangwe midziyo iri muzita remumwe, mumwe anokwanisa kuwana chidimbu chemidziyo iyi zvichienderana nekubatsira kwaakaita kuti ivepo.

Semuenzaniso, John naChipo vakatenga sitendi kuBelvedere muna 2013 vachida kuvaka imba ine makamuri mana.

Sitendi iyi zvisinei yakazonyoreswa muzita raJohn asi akazomiswa basa mushure memwedzi mitanhatu. Chipo ndiye akange ave kushandira mhuri uye obva avakisa imba iyi nemari yake.

Muna Kukadzi 2016, vaviri ava vanobva vanetsana zvinoita kuti wanano yavo iparare vorambana. Chipo anokwanisa kuwana mugove wake paimba iyi zvichienderana nerubatsiro rwaakaita kuti ivakwe.

Kune nzira mbiri dzekubatsira dzinotariswa nematare kana achigovanisa midziyo yemuwanano – kubatsira kunoonekwa zvakajeka nekusingaonekwi.

Kubatsira zvakajeka kwakaita sekushandisa mari pakuita chinhu uye kusingaonekwi kunogona kuve kurera vana, kubika nekushambidza pamusha. Matare edzimhosva anotarisa zvose izvi.

Pasi pemutemo weMarriage Act chapter 5:11, dare rinokwanisa zvakare kutarisa zvinotevera pakugova midziyo yemuwanano:

1) Mari inenge ichiwanikwa, mimwe midziyo iyo mumwe ari muwanano anokwanisa kunge achiwana munguva pfupi inotevera.

ii) Zvinodiwa maringe nekushandisa mari pamusoro pemumwe nemumwe ari muwanano.

iii) Chikero chekurarama kweupenyu hwemhuri.

iv) Zera, mamiriro emuviri nepfungwa dzemumwe nemumwe

v) Hudzamu hwemari yepenjeni inokwanisa kurasikirwa neari muwanano kuburikidza nekuparara kwemuchato.

vi) Nguva yanga yagara vaviri vari muwanano.

Pasi pemutemo weMarriage Act Chapter 5:11, zvose izvi zvinotariswa nematare pakugovewa kwemidziyo yemuwanano kuitira kuti vanenge varambana vakwanise kuramba vachiendera mberi neupenyu hwavo hwavagara vachiita.

Sangano reZimbabwe Women Lawyers Association (ZWLA) rinoyambira kuti midziyo yose yemuwanano ngainyoreswe mumazita ose emurume nemukadzi.

Izvi zvinoita kuti pave nekugovewa kwemidziyo iyi zvakaenzana kana vaviri ava vachinge vazorambana.

 

Vanoda kubatsirwa mune zvemutemo munokwanisa kutishanyira pamahofisi edu ari panhamba 17 Fife Avenue, Harare kana kuridza nhare paHotline numbers dzinoti 0782 900 900, 0776 736 873. Toll free number 08080131 kana kutibata padandemutande rinoti [email protected]

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>