Uncategorized

‘Kohwai mvura yemadiridziro’

01 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
‘Kohwai mvura yemadiridziro’ Madiridziro eMoneyMaker Irrigation Pumps anorerutsa ndima yevarimi nekuti haashandise magetsi, peturu kana dhiziri uye varimi vanogona kudiridzira zvirimwa zvavo mwaka wekurima usati wasvika.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KAMBANI yeBlagefields Marketing (Pvt) Ltd iyo inoona nezvekugadzirwa kwemichina yemadiridziro yemhando yeMoneyMaker Irrigation Pumps yokukurudzira varimi kuti vange vachikohwa mvura munguva ino yezhizha nenzira dzakasiyana iyo vanozoshandisa mumwaka wechirimo pakudiridzira zvirimwa kana kushandisa mune mamwe mabasa emudzimba.VaBrain Vere, vanove mukuru wekambani iyi, vanoti varimi vanofanira kutora mukana uyu mukuchera matsime akadzika kana kugadzira matangi epasi akakura kuti vange vachikohwa mvura.

“Mvura yemudenga yakanaka zvikuru nekuti inenge yakachena pakunwa kwevanhu kana zvipfuyo asi kana ichinge yakasviba kunge iya inobva pamusoro pemarata ane tsvina inogona kushandiswa mukudiridzisa kana kukanya zvidhina. Nokudaro kukohwa mvura kwakakosha zvikuru takatarisana nenyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze apo kunogona kupisa pane ipi zvayo nguva vanhu vobva vatangisa kupererwa nekuda kwekushaya mvura,” vanodaro VaVere.

Vanoti kazhinji munguva yezhizha vanhu vanosiya mvura ichiyerera yakawanda pasi asi kana mwaka wekupisa wasvika vanochema-chema nataisireva.

“Murimi akangwara anokohwa mvura yake nehuwandu hwayo zvichienderana nenguva uye huwandu hwebasa raanozoda kubata nayo saka haaomerwi. Kune matangi asingaite ngura anochererwa pasi achichengeta mvura yakawanda uye haipwi nekuda kwekuti pasi panotonhorera. Vamwe vanogona kuchera matsime avo akadzika zvikuru avanokohwera mvura yavo zvekuti vanotodhonza kwemwedzi yakati kuti vasina kuita dambudziko remvura saka zvose izvi zvinoda kurongwa nenguva. Kana mwaka wemvura uchinge wadarika, varimi vanokwanisa kushandisa michina yemadiridziro eMoneyMaker Irrigation Pumps yakadai seMax Pump, Kick Start nemimwe mukudiridzira zvirimwa zvavo kuti vasarasikirwe negoho,” vanodaro.

VaVere vanokurudzira varimi, kunyanya vefodya nevezvimwe zvirimwa izvo zviri kutengeswa kunze kwenyika kuti vange vachitambira nemawoko maviri chirongwa cheHurumende chekupa bhonasi ye5 percent pamari yavanounza munyika muno yekunze.

Vanoti mari iyoyo haifaniri kuperera kumafaro asi kuti varimi vakangwara vanorongera remangwana ravo kuburikidza nekutenga michina yemadhiridziro senzira yekuvandudza nyaya dzekurima muZimbabwe.

“Kukohwa mvura kwakakosha zvikuru nekuti hakudhure uye varimi vanogona kushandisa mishonga yekuchenesa mvura kuti igare kwenguva ndefu isina kuipa kana kuti isaita ngura. Kukohwa mvura zvakare kunosimudzira upfumi hwenyika sezvo kuchideredza mitoro yekutenga mvura uye kudhura kwezvifambiso zvinoendesa mvura kuvanhu. Varimi vanokohwa pakuru nekuti zvirimwa zvazvo hazviomerwi nhando uyezve havazodhurirwe nekubhadhara mitero yemvura nekuti mvura yemudenga inowanikwa pachena,” vanodaro VaVere.

Madiridziro eMoneyMaker Irrigation Pumps anorerutsa ndima yevarimi nekuti haashandise magetsi, peturu kana dhiziri uye varimi vanogona kudiridzira zvirimwa zvavo mwaka wekurima usati wasvika.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey