Uncategorized

Kubatsirwa kwevanoshungurudzwa pabasa

22 Oct, 2020 - 09:10 0 Views
Kubatsirwa kwevanoshungurudzwa pabasa

Kwayedza

Rutendo Shamaine Magadzire

KUSHUNGURUDZWA nenzira yakarerekera kubonde (sexual harassment) kwakaipa uye kunosanganisira kubatwa, kutsvodwa kana kutaurirwa mashoko ari maringe nechimiro chemuviri wako kana matarisiro asingakufadzi.

Kana munhu achinge achisangana nematambudziko akadai zvichizopedzisira zvaita kuti arasikirwe nebasa zvisina tsarukano, mutemo unoona nezvemabasa weLabour Act (Chapter 28:01) uripo pakumutsigira. 

Chikamu cheSection 89 (2) chemutemo uyu chinotaura kuti mushandi anenge adzingwa basa zvisina tsarukano anokwanisa kureva mari yemuripo zvichitevera kurwadziswa kwaanenge aitwa.

Chikamu cheSection 89 (2)(c)(iii) cheLabour Act chinotiwo zvakare kudzingwa basa kana kumbomiswa basa nenzira isina kunaka, munhu anokwanisa kunyorera magwaro kumatare anoona nezvevashandi zvichiita kuti adzorerwe pabasa pake.

Mutemo weLabour Act, uchifambirana neArticle 10 yeInternational Labour Organisation (ILO) Convention on Termination of Employment  No.158 of 1982,  unochengetedza kodzero dzevashandi uye vashandirwi.

Mushandi wese anenge adzingwa basa nenzira isina kunaka ane kodzero yekudzorerwa basa rake kana kuripwa.

Matare anozoverenga nguva yakadzingwa mushandi kuti munhu aripirwe mari yake yaakarasikirwa nayo panguva yekumiswa basa zvichitevera nyaya dzekushungurudzwa nenzira yakarerekera kubonde.

Pekupedzisira, mushandi anoripirwa zvekare mari yemarwadzo aakasangana nawo munguva yekushungurudzwa zvichitevera kumiswa basa zvisina tsarukano.

Muenzaniso ndewenyaya yaMandiringa & others v National Social Security Authority HH 98/05 apo mutemo uyu unoti vakuru vanoona nezvenyaya dzine chekuita nezvemabasa vane kodzero yekuona kuti nyakumbunyikidzwa aripirwa.

Nyaya dzese dzine chekuita nezvemabasa dzinofambiswa bedzi kudare reLabour Court.

Tumirai mhinduro dzenyu padandemutande rinoti  [email protected] .

Tarisirai zvimwe zvinyorwa zvedu muKwayedza resvondo rinotevera. Panyaya dzemhirizhonga ridzai nhare panhamba yeToll free inoti 08080131 kana Hotline 0782 900 900.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>