Uncategorized

Kuchipa kunge bhero remaBra

01 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
IKO zvino ndave kuziva kuti kusvikirwa kwakafanana nekusvibirwa. Dhiginiti (chiremera) yese nerugare zvinopera. Wivhi inonyanduka zvekuti munhu anosara ati mvirinyinyi sehuku yaiswa mumvura inopisa kuti iwundurwe.

Kusvibirwa kunotyisa nekuti rima harina maziso. Unoona munhukadzi asvibirwa achifambisa akabereka mwana ari kuchema, rumwe ruoko rwuchidhonza mumwe mwana ari kuti, “Ndiri kuda kuita weti.” Apa mumusoro mavo amai ivavo wivhi inenge ichivava rough, uye pfungwa dzavo dzichipishana kuti pandichazonotanga kubika.

Ko nhai amai, zuva rambodoka muri pai? Manga musingazvione here kuti kwadoka? Manga musingazvizive here kuti muchatambudzika nevana. Manga musingazvizive here kuti kana kwasviba makava, nyoka nemapere zvinenge zvave kufamba zvichivhima?

Rega ndidzoke kunyaya yekusvikirwa.

Kusvikirwa hakudi kuti munhu abikirwe doro, oridzirwa mbira nekusvuta bute achiombererwa kuti asvikirwe.

Ndakazvionera ndega pandakasvika Olivia achipopotera mukuru wechikoro, achituka vanhu nekuita drama chairo.

Drama raOlivia raibva pakuti aipopota achitaura chirungu chinotaurwa nevanhu vekuNigeria vatinoona mumafirimu eko.

Ufunge Olivia, waibva warovanisa maoko, uchisvetukira mudenga uchitaura chirungu chako ichocho.

Ndizvo zvinoita kudzidza here?

Tinodzidza kuti tigoratidza kuti hatina kuchipa here asi isu tichitozvichipisa kunge bhero remaBra?

Pawaipenga ipapo, pawaityoranisa makwenzi nekufukura ivhu uchisimudza guruva sebhuru riri kuda kurwa, kune vakanga vachiedza kukubata nekukudzora, asi waivasaidzira vachinorovera kumadziro sedzihwa rechembere.

Nyangwe ndisingakuzive, zvakanga zviri pachena kuti wakanga usisiri iwewe, nekuti kana kubuda kwakanga kwakaita ziso rako, uchipupa furo pamuromo ndakashaya kuti wakanga wasiyana chii nembwa ine chimbwa mupengo.

Mashoko awakataura ipapoka, kana newe ukaanzwa unozviona kuti wakanga wabatwa nedhimoni rine degree.

Wakanga wakabatwa zvechokwadi, wakanga wakaputirwa, wakakomberedzwa pamwe chete nekupfekwa nerima!

Asi wati wambozvibvunza here paye paye kana izvozvo zvinokubata zvichinge zvazokuregedza, ipo paye paunenge wasara wave iwewe, sei uchizoshamisikawo nekuda kwezvimwe zvinhu zvaunenge waita?

Unombozvibvunzawo here kuti sei zvakakuomera kuti uite zvinhu zvaunoziva kuti ndizvo zvinhu zvakanaka, zvinhu zvine hunhu?

Inga vakuru vepachikoro vawaipopotera vakakuudza kuti havakwanise kungotora mari vobva vakupa pasina kunyorwa mapepa anozopa humbowo hwekuti mari iyoyo yakanga ichienda kunaani uye nechikonzero chekupihwa kwako mari iyoyo.

Mapenzi akawanda munyika, uye mazhinji acho anotofamba nemota, achiisa wivhi dzinodhura mumusoro.

Hunhu hwedu hwechivi ndihwo hunoita kuti tiite zvisirizvo. Kana ukasvibirwa nekusvikirwa sezvakaitika kwauri Olivia, tsvaga chokwadi.

Mafungiro ako anoda kushanduka. Kana ukashandura mafungiro ako, nehasha dzako dzichashandukawo.

Chinoita kuti uite seunombopenga ndechekuti unofunga kuti zvinobhadhara. Asi iwayo manyepo.

Nekuti Mwari vanoti: “Hamuzivi here kuti kana mukazvipa kune mumwe munhu kuti mumuteerere sevaranda, muri varanda vemunhu iyeye wamunoteerera. Munogona kuve varanda vechivi chinoendesa kurufu, kana varanda vekuteerera kunoendesa kukururama.”

Kana uchipota uchimbosvikirwa, tsvaga chokwadi, uye chokwadi chiri mushoko raMwari. Chokwadi chinokusunungura. Ramba kusvikirwa, nekuti zvinosvika pauri hazvisi iwewe.

Ramba manyepo awakaona paTV anoita kuti ufunge kuti ndiwe Mai Azuka.

Kana ukaramba kusvikirwa, unenge waramba kusvibirwa. Kusvibirwa hakusi chiyedza. Mwari vanotirambidza kutsamwa nekuti vanoziva kuti miromo yedu nyangwe isiri yembwa, inogona kuzopedzisira yave kuhukura ichiruma nekudambura vamwe.

Zuva ngarirege kuvira uchakatsamwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey