‘Kucricket hakuna zveje-e’

13 Feb, 2015 - 09:02 0 Views
‘Kucricket   hakuna zveje-e’

Kwayedza

TSIKA yekusvotesana inoitwa nevatambi vecricket kumakwikwi akaita seeWorld cup, iyo yagara ichitenderwa, inonzi rwendo rwuno hakuna uye vanobatwa nemhosva yekuita izvi vachamiswa kuita zvemitambo neveInternational Cricket Council.

Makwishu aya achatanga musi weChishanu svondo rino kunyika dzinoti New Zealand neAustralia.

Chamangwiza wesangano reICC, David Richardson, anoti vachange vasingaite zveje-e nevanotyora murawu uyu kusiyana nemakore adarika.

“Avo vachabatwa vadzokorodza mhosva iyi vachambomiswa kuita zvemitambo,” akadaro Richardson.

Richardson anoti sangano reICC rakatotanga kare kudzidzisa vatambi hunhu hunotarisirwa mumutambo uyu.

“Zvakatanga mwedzi mishoma yadarika, humwe hunhu hwairatidzirwa nevatambi hautenderwi zvachose zvakare husingadzidzise vatsigiri vemutambo uyu vechidiki hunhu hwakanaka,” akadaro Richardson.

“Ndinofunga pane nyaya dzinodarika 12 idzo dzakamhan’arwa mwedzi mishoma yadarika nokudaro zvinoratidza kuti takatotanga kufumura nhunzvatunzva dzose kare.”

Pane nyaya dzakaitika, semuenzaniso kumakwikwi akaitwa kuAustralia nguva pfupi yadarika apo mutambi wekuAustralia, David Warner akazobvisiswa mari yefaindi zvichitevera kupopotera kwaakaita mubati webheti wekuIndia, Rohit Sharma, achimuti ataure nechirungu.

Richardson, uyo akambotambira chikwata cheSouth Africa mugore ra1992 kumakwikwi eWorld Cup, anoti varidzi vepembe vanofanira kuve vakasimba apo vanenge vachiedza kutsiura vatambi.

Anoti varidzi vepembe ava vanenge vaine mukana wekuzodzokorodza kuona mitambo pamavhidhiyo uye veICC havaone tsika yekupa vatambi vanenge vatyora murau makadhi ered pamwe neyellow ichigadzirisa matambudziko avanosangana nawo aya.

“Nyaya iyoyo takaizeya kakawanda kumisangano yekomiti yatinoita nguva nenguva asi nanhasi tinotogona kuitanga zvakare, haipere,” akadaro Richardson.

“Hatidi kutevedzera zvinoitwa kunhabvu, mazano akawanda anorongwa vevarongi vemakwikwi mushure mekunge vanyatsoona vhidhiyo remakwishu acho parinenge rabuda.

“Izvozvo hazvigoneke nyore kana tikaita tsika yekungoburitsira vatambi kadhi rered kana reyellow pese-pese,” akadaro Richardson. – BBC Sport

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey