Uncategorized

KUDZORA NDANGARIRO neZimpapers Knowledge Centre

14 Feb, 2020 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Mozambique inotenda Zimbabwe

(Kwayedza, 5 July 1985)

KUWANA kuzvitonga kuzere kweZimbabwe kwakasimudzira mabasa ezveupfumi muMozambique, vanodaro President Samora Machel vokuMozambique.

Vachitaura pamhemberero dzokucherechedza kusvitsa makore gumi Mozambique yave kuzvitonga, Cde Machel vanoti kubudirira kwezveupfumi munyika mavo kwakange kwaenderera mberi zvinofadza, asi kubudirira uku kwaikanganiswa nemabasa okukanganisa zvoupfumi ayo aitungamirirwa nenyika dzevadzvanyiriri idzo dzaida kuti nyika iyi iparare.

Vanoti mabasa okukanganisa zvoupfumi ayo aiitwa neSouth Africa aionekwa nokushaikwa kwezvinhu zvinodikanwa pamwe nokudzikira kwezvinhu zvinotengeswa kunze kwenyika.

Cde Machel vanoenderera mberi vachiti zvose zvokuda kukanganisa nyika yavo zvakatadza kusandura gwara renyika iyi regutsaruzhinji.

Mhemberero idzi dzakauiwawo naCde Robert Mugabe avo vanoti Zimbabwe icharamba ichishanda nesimba kuti nyika dzomuSouthern Africa dzisununguke.

Vamwe vatungamiri vaiva pamhemberero dzeMozambique idzi vanosanganisira President Julius Nyerere vokuTanzania, President Kenneth Kaunda vokuZambia, President Eduardo dos Santos vokuAngola, President Quett Masire vokuBotswana naAristides Perreira vokuCape Verde.

Vatungamiri ava vakaisa maruva pachiumbwa chemagamba eMozambique muMaputo.

ZVIDZIDZO:

· Zvinonzi usahwira hunokunda ukama, vamwe votiwo, kana yave nyaya yokutenda, mazvita haiendi kubhangi. Husahwira pakati peZimbabwe neMozambique ihoche-koche, uyewo hwave nemakore. Zimbabwe yaifanira kutenda Mozambique pabasa guru rayakabata mukusununguka kweZimbabwe,  ndiyo yakapedzisira yave kutotenda kuti rusununguko rweZimbabwe rwaizarura misuo yebudiriro.

· Kubva panguva yokurwisa vadzvanyiriri, vatungamiri vedunhu rekuchamhembe kweAfrica vakaramba vaine chisungo chokubatana, pfungwa iri yokuti muono wavo wegwara regutsaruzhinji ubudirire, kuitira kuti vanhu vedunhu rose vave neraramo yakanaka.

· Wakaipa haafariri kubatana. Pese panoitwa zvakanaka tinogaroona kuti muvengi haafari nazvo, anotsvaga nzira dzokuparadza nadzo.   

· Zimbabwe pari zvino iri kusangana nematambudziko akasanganikwa nawo nehurumende yaCde Machel: kuvhiringidzwa kwezvoupfumi, kushaikwa kwezvinhu zvinodikanwa pamwe nokudzikira kwezvinhu zvinotengeswa kunze kwenyika.

· Vamwe vevatungamiri vedunhu vaive pamhemberero idzi, ndivowo vakarwira rusununguko, nokuzotanga kutungamirira nyika dzavo.

· President Machel ndivo vakave vokutanga kutungamirira Mozambique, uye vakatisiya; VaJulius Nyerere vakavewo mutungamirira weTanzania, vakatisiya; VaMugabe ndivo mutungamiri wokutanga weZimbabwe – vakatisiyawo; vaQuett Masire (Sir Ketumile Masire) ndivo mutungamiri wechipiri weBotswana, uye vakatisiya. Vamwewo vakaita saVaKaunda naVaDos Santos varipo.

Muri kuita tsvagurudzo dzenhoroondo here?

Huyai kuZimpapers Knowledge Centre, Herald House.

Nhare: +263 8677 004323; +263 0242 795771

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey