Kuenda kwemagetsi kuchaderera: Zesa

29 Dec, 2022 - 13:12 0 Views
Kuenda kwemagetsi kuchaderera: Zesa Hwange Power Station

Kwayedza

KAMBANI yeZesa Holdings inoti vagari vemuZimbabwe havachasangane nedambudziko rekuenda-enda kwemagetsi zvakanyanya zvichitevera kugadziriswa kwemagwenya anobika magetsi pachiteshi cheHwange Power Station uye kutengwa kwemamwe kubva kunze.

Izvi zvinotevera mavhiki akati kuti vanhu vachishaya magetsi nguva zhinji zvichikonzereswa nekudzikira kwemvura mudhamu reKariba zvikaita kuti kubikwa kwemagetsi kuderere paKariba South Power Station.

Izvi zvakabva zvawedzerwa nekufa kwemichina yemagetsi kuHwange Power Station izvo zvakaita kuti pasare nemichina miviri chete yaishanda.

Zesa inoti yakwanisa kugadzirisa michina mishanu pamitanhatu yakanga yafa kuHwange.

“Zesa Holdings inoda kuzivisa veruzhinji kuti magetsi awedzera munyika zvaita kuti kuenda-enda kwawo kuderere. Nyanzvi dzedu dzanga dzichishanda nesimba kuti magetsi awedzerwe,” inodaro Zesa.

“Tawedzera kugadzirwa kwemagetsi paHwange Power Station nekugadzirisa zvikamu zvakanga zvakafa zvaita kuti zvikamu zvishanu kubva pazvitanhatu zvitange kushanda.

“Izvi zvichabatsira kuti magetsi awedzere kuwanikwa panguva ino yezororo sezvo kunenge kusingadiwe magetsi akawanda ekushandisa kumaindasitiri,” inodaro Zesa.

“Takabudirira kutsvaga magetsi kunze kwenyika kubva kune dzimwe nhengo dzeSAPP kuti tiwane rutsigiro kusvika kuKariba kwava nemvura inokwanirana pakukwenya magetsi muchikamu chekutanga chegore rinouya.

“Tinotenda rutsigiro rwatiri kuwana kubva kuHurumende kuti tiwane mari yekunze iyo inodiwa mukufambisa basa redu.

“Naizvozvo, Zesa inoda kuzivisa makasitoma ayo kuti havachasangana nekuenda kwemagetsi kwakanyanya uko kwanga kuchiitika mumasvondo apfuura.”

Zesa inoti zvikamu zveHwange Power Station Expansion zveUnit 7 ne8, izvo zviri kuda kuunza huwandu hwemagetsi hunosvika 600MW pane anoshandiswa munyika, zvanonoka kutanga kushanda.

“Vatinoshanda pamwe chete navo vanoziviswa kuti gadziriro dzekuvhurwa kweHwange Unit 7 ne8 dzave padanho repamusoro. Pari zvino zvinofadza ongororo dzose dziri kuitwa nemazvo uye tiri kutarisira kuti Unit 7 ichawedzera 300MW munguva pfupi inotevera,” inodaro Zesa. — New Ziana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey