Kufa kwaChivhimaushe

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi  Gunduza —
7. Tsanangura matanho mashanu anotorwa naVaMabvura naKufakunesu kusvika vauraya Ishe Chivhimaushe muna Pfuma Ndeyamaoko. [25]

Danho rekutanga nderekuti VaMabvura naKufakunesu vagare vese. Tinozviona pamusangano wekugovewa kwenhapwa dzakanga dzabva kwaShe Marwei. VaMabvura vanotora Kufakunesu vachinogara naye kumba kwavo vachiti vaimuona semunhu akasimba uye akanyarara. Ndizvo zvinoita kuti vakasike kubvumirana zano rekuuraya Ishe Chivhimaushe.

Rimwe danho rinoitwa naKufakunesu kuronga namai vake, VaChinhamo kuti vagouraya Ishe Chivhimaushe. Rinobuda Kufakunesu paanenge achiudza VaChinhamo kuti vaifanira kugara nebakatwa riri kuchitsamiro kuitira kuti vazouraya Ishe Chivhimaushe pavaizorara muimba yavo, ndokubvumirana. Izvi zvinoita kuti VaChinhamo vasazoshamisika uye vakwanise kutevedzera zvese zvavakanga vanzi vaite pavanotambidzwa bakatwa riya naKufakunesu.

Kufakunesu anotora danho rekutsvaga nekupa VaChinhamo bakatwa rekuti vagouraya Ishe Chivhimaushe. Danho iri rinoonekwa paanoenda kumba kwaSekuru Handisumbi kunotsvaga bakatwa ndokunoripa VaChinhamo kuti vagozorishandisa kuuraya Ishe Chivhimaushe. Zvinoita kuti Kufakunesu azoite shungu dzekuzviuraira ega ishe mushure mekunge amai vake vauraiwa naShe Chivhimaushe vachiedza vakuvauraya sezvaaive avatuma.

VaMabvura vanoshandisa danho rekutsvaga pfumo raKufakunesu kuti vagouraya Ishe Chivhimaushe. Izvi zvinoonekwa pavanoenda kumba kwaMandikora kunotora pfumo rematata raKufakunesu raakanga asiirwa naVaZvinokona vachiri kwaShe Marwei. Pavanoriwana vanosvika vachirirodza ndokuripa Kufakunesu. Izvi zvinoita kuti azokwanisa kuuraya Ishe Chivhimaushe nekuti pfumo raVaZvinokona iri raimupa simba rakawanda.

Rimwe danho rinoshandiswa naVaMabvura nderekuita kuti Kufakunesu ave jinda raShe Chivhimaushe. Danho iri rinobuda panounganidzwa mamwe machinda aShe Chivhimaushe achisumwa naVaMabvura kuti vakanga vataura nashe vakaona zvakakodzera kuti Kufakunesu avewo mumwe wemachinda zvaizovabatsira pakupamba pfuma. Izvi zvinoita kuti Kufakunesu awane mukana wekufurira mamwe machinda kuti avabatsire kuuraya VaChivhimaushe.

8. Vatambi vanotevera vanosusukidza sei rungano rwuri muna Pfuma Ndeyamaoko? (a) Ishe Chivhimaushe (b) Kufakunesu (c) VaMabvura (d) VaChinhamo (e) Tsitsi. [25]

(a) Ishe Chivhimaushe vaive mambo waVaMabvura

Vanotora nhapwa yaidiwa naVaMabvura ndokuiita mudzimai wavo vasina hanya nekuti kune vamwe vaiidawo. Izvi zvinoita kuti VaMabvura vabva vatora Kufakunesu vachinogara naye kumba kwavo vachida kuti agovabatsira kuuraya Ishe Chivhimaushe. Vanosarudza Kufahakupere kuti anovabatsira kurwa hondo yeupambwa hwavainoita kwaShe Chakandida.

Izvi zvinoita kuti Kufahakupere azouraiwa nepfumo pahondo iyi achirwisana neuto raShe Chakandida.

(b) Kufakunesu aive mwanakomana waVaChinhamo naVaZvauyanepi

Anorondedzera kuna amai vake, VaChinhamo hope dzese dzaakanga arotswa nababa vake, VaZvauyanepi. Izvi zvinoita kuti VaChinhamo vazotumidza mwana wavo mucheche zita rekuti Kufahakupere. Chimwe chaanoita kutsvaga bakatwa raakazopa amai vake achida kuti vazorishandisa kuuraya Ishe Chivhimaushe. Izvi zvinoita kuti amai vake vazouraiwa nebakatwa riya naShe Chivhimaushe mushure mekunge zano iri ratadza kubudirira.

(c) VaMabvura vaive jinda guru raShe Chivhimaushe

Vanoenda kunotora pfumo raKufakunesu rematata aVaZvinokona kumba kwaMandikora. Izvi zvinoita kuti azokwanisa kuuraya Ishe Chivhimaushe nekuti pfumo iri raimupa simba rakawandisa. Vanotsvagira Kufakunesu mudzimai ainzi Tsitsi. Izvi zvinoita kuti Tsitsi azobatsira Kufakunesu kuchengeta munin’ina wake, Kufahakupere.

(d) VaChinhamo vaiva amai vaKufakunesu naKufahakupere

Vakachengeta bakatwa ravakapiwa naKufakunesu pasi pechitsamiro vachida kuzorishandisa kuuraya Ishe Chivhimaushe. Izvi zvinoita kuti vazouraiwa naro naShe Chivhimaushe vamuka vachida kuvabaya usiku. Vanosiya vaudza Ishe Chivhimaushe vakufa kuti Kufahakupere azochengetwe naKufakunesu. Izvi zvinoita kuti Kufakunesu azotsvagirwa mudzimai, Tsitsi naVaMabvura vachida kuti abatsirwe kuchengeta Kufahakupere.

(e) Tsitsi aiva mwanasikana waVaMusora

Anobvuma kuroorwa naKufakunesu zvinoita kuti VaMabvura vazopfuudza shoko iri kuna baba vake uye anozochengetazve Kufahakupere kusvika akura. Anoendesera Kufakunesu chirongo chemvura yekugeza. Izvi zvinoita kuti Kufakunesu azomuratidza kuti aimudawo paanotora mvura iya achinogeza, Tsitsi ndokusara achipinda mumba make.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey