Uncategorized

Kufumuka kunge seat remukombi

21 Jul, 2017 - 00:07 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
PANE murume akaita mharidzo yaiperekedzwa nevhidhiyo yemunhu ari kumhanya zvinotyisa. Murume uyu aiita mharidzo inenge nhetembo achikurudzira vanhu kuti vatize.

Aiti nezwi remunhu ari kuda kuchema uye rakanyetera, “Tiza! Tiza kubva muvhangeri rinongonangana nekubudirira nekupfuma. Tiza! Tiza vanhu vanoshandisa zita raJesu kuti vawane zvinhu.

Tiza! Tiza vanhu vari kukubira vachishandisa zita raJesu. Tiza! Tiza kuvhangeri rinongonangana nekusimudzirwa kwako iwe. Tiza. Tiza kubva mumachechi anorumbidza vanhu, asi asingarumbidze Jesu. Tiza!

Panguva yese yaanenge achiti, “Tiza,” munhu ari muvhidhiyo iyoyo anenge achimhanya kunge achabvaruka bhachi. Anomhanya zvekuti dai iri huku yaisara yosvika kuchirugwi isisina makushe ese. Anomhanya achicheuka kuti ave nechokwadi chekuti chinhu chaari kutiza chacho chanyatsosara zvechokwadi.

Nesuwo tinofanirwa kutiza zvimwe zvinhu muhupenyu. Kwayedza yesvondo rapera yaive nemusoro unoti, “Anonwisa zvikomba weti.” Varume zvimwe zvinhu zvinoda kutizwa! Tiza kunwiswa weti nekuti haisi tea.

Vane mitoro havasi vakatakura zvinhu chete, asi nevasina kutakura vane mitoro inorema kudarika vakatakura. Vasungwa havasi vanhu vari kuChikurubi Maximum Prison nemamwe majeri ari munzvimbo dzakasiyana-siyana chete.

Vasungwa vari kunze kwemajeri vakawanda kudarika vari mukati. Musungwa munhu anokundwa nechimwe chinhu zvekuti chinhu ichocho chinomutsokonyora setsanga dziri pamuguri wechibage zvekuti anosara ati gunduru sechigubhu chedoro remasese chakarasirwa parutivi penzira.

Variko vanhu vanosungwa nezvakawanda – vamwe vasungwa vemanyemwe, vedoro, vemakuhwa, vehupombwe, veruvengo, vehumbavha.

Wati wambozvipawo nguva yekunyatsofunga pamusoro pezvaunofunga here? Wati wambonyatsoteerera kuti zvii zvauri kunzwa here? Kuzvibvunza kuti zvii zvauri kuona, zvauri kufunga kana kufarira here?

Kana kuti uri kuitiswa! Zvii zvauri kuitiswa? Uri kunwiswa weti here semurume akabuda muKwayedza svondo rakapera? Nhunzi inozivikanwa nekufarira tsvina nezvinonhuhwa, ko iwe uri kuzivikanwa nekuda zvipi?

Mazuva ano emaWhatsApp nemashoko mazhinji asina basa, tinongotumirwa pfungwa dzevamwe vanhu vasina kana direction muhupenyu. Asi zvizhinji zviri kutumirwa mumafoni edu manyepo, hunyengeri nembatya dzawachwa mumadhaka dzikayanikwa pamutariro waSatani wekuonererwa.

Handiti uri mumaGroup eWhatsApp, asi zvakakosha kuti uzive kuti group harina pfungwa. Iwe ndiwe muridzi wepfungwa dzako. Unofanira kutarisa pfungwa dzako iwewe semunhu.

Sei uri kungoti zvese zvese kikiki, nyangwe netsvina inonhuhwa? Ko sei iwe uchiti kana wave paGroup iroro unokanganwa kuti uri mwana waMwari?

Pfungwa dzako dzinofadza Mwari here kana kuti vari muGroup?

Nyaya yemukadzi anonwisa zvikomba weti yakafanana nedzimwe tsvina dzatiri kunanzvira mumaWhatsApp Group, asi pane zvimwe zvinhu zvakashoreka zvisingade kuti isu tizvitsigise.

Kana ukateerera nyaya yemukadzi wekunwisa chikomba chake weti, unobva wangoona kuti chipfambi chave nezvimbi. Ndinonzwira tsitsi vana venguva ino nekuti hapana chakanaka chavanodzidza kubva kuvabereki vakafumuka kunge seat remukombi rinongogarwa newese-wese apinda.

Kune dzimwe nyaya dzakanaka dzinotibatsira sevanhu, kwete dzechipfambi nevaparadzi vepasi.

Kana uine foni inotumira nekupfuudza mberi mashoko echipfambi, newewo uri kunwa weti yepfambi. Mwari vanoti, “Asi pakati penyu hapafaniri kutaurwa kunyange zvoupombwe, kana tsvina yemhando ipi zvayo, kana kukara, nokuti izvi hazvina kunaka kuvanhu vatsvene vaMwari.”

Mabara ehurukuro dzepaWhatsApp anomhanya semhamhatsi, asi haavandudze munhu nehunhu.

Uchenjere newewo kunwiswa weti yeWhatsApp, wonanzvira uchiti kikiki.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>