Uncategorized

Kugogodza musiwo nesando

11 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

NDAKANGA ndakateerera uchitaura, uchiombererwa mawoko nevatereri vachiti wakapenga.

Chaiita kuti upembedzwe nekupururudzirwa aive mashoko ako akanga achirova Mwari zvibhakera. Wakangotanga hurukuro yako uchiti, “Handisi muKristu,” asi pakanga pasina akanga ambokubvunza.

Wakanga uchiudza vanhu kuti haudi Jesu, uchiti unodada nekusamuda nekuti vanomuda havafunge. Ndakatya, uye newewo ndakakutyira. Usatye zvako, ini handisi kurwira Mwari kubva kuzvibhakera zvako. Ndiri kungoda kukuudzawo zvandakaona.

Nyaya yako yandifungisa zvakaitika rimwe gore tiri mubhawa reimwe hotera. Zvimwe zvidhakwa zviviri zvakanga zvichinwawo doro imomo. Zvakati zvadhakwa zvekurembera sehembe nyoro dziri pamutariro, chimwe chidhakwa chakatuka Mwari.

Pakamboita runyararo munzvimbo yataive tiri. Runyararo rwekuti kana kubhururuka kwenhunzi kwakatinhira kunge kwechikopokopo chiri pakati pemipata yemakomo.

Ndakabva ndaona chimwe chidhakwa chacho chakanga chisina kutuka Mwari chichiita sober ipapo ipapo.

Chakati kune chimwe chacho, “Shamwari, kwawave kutambira kunony’udza.” Vakabva varega kunwa doro nekuti mashoko avo akanga ave kudzedzereka achinorutsira doro muchivanze chaMwari.

Ufunge zvako, iwewe pawaitaura paye uchizviita shasha yekuziva zvese, ndaida kukuudza kuti hausiwe wekutanga kuramba Jesu. Uye nyangwe kurambwa kwake newe kuchimurwadza, Jesu haarwadziwe nekuti wamuramba asi anorwadziwa nekuti uri kutuka zvausingazive, uye uri kurasikirwa nenhaka inodarika kuombererwa nekupembedzwa nevanhu.

Uyewoka, ziva kuti uri kuramba munhu akarambwa kare kare nehama dzake dzechiJudha asati azotida isu takanga tisiri hama dzake.

Nekuti ichokwadi chawaitaura kuti, Jesu mutorwa kwatiri. Asi ufunge akauya kwatiri nekuti aida kuti tivewo hama dzake. Asi asingamanikidze munhu.

Handidi kukuudza nezvekuti akazoita hama yedu sei, nekuti unozviziva. Ufunge zvako, kuramba Jesu isarudzo nekodzero yako. Jesu wandinoziva ini haamanikidzwe kuti umugashire, zvekuti kana usingamude hapana anoti tinokurova kusvikira wamuda.

Jesu wandinoziva anokuremekedza zvikuru zvekutokuti Mr, nyangwe iwe uchimuti chimuti. Jesu ane tsika nehunhu. Jesu wandinoziva ane rudo netsitsi dzinodarika kuwanda kwemvura yemugungwa.

Jesu iyeye anoti, “Tarira ndimire pamukova ndichigogodza, kana munhu akanzwa izwi rangu, akavhura musiwo ini ndichapinda maari, ndichadya naye, naiye achadya neni.”

Uri kunzwa here zvaari kutaura? Jesu haapaze musiwo wako kuti apinde, asi anomirira kuti iwe uri mukati, iwe muridzi wemusiwo umuvhurire kuti apinde.

Jesu haagogodze musiwo wako nesando kana nepfuti. Anogogodza zvakanaka, anogogodza zvine rudo.

Jesu anomira pamusiwo nekuti anoziva kuti uri kunzwa kugogodza kwaari kuita, asi usafunge zvako kuti achazokuti, “Kana ukasavhura ndinopwanya door rako, kana kukuvenga kuti hauna kundivhurira.”

Jesu haamanikidzwe kuti umugashire, uye naiye haamanikidze vanhu kuti vamude.

Ndicho chikonzero chinoita kuti ati, “Kana munhu akanzwa izwi rangu, akavhura musiwo . . .” Iwe vhara zvako musiwo wemoyo wako nekuti ndizvo zvawakasarudza, asi chirega kuti kune vamwe vari kufanira kusarudza vega, “Musavhurire Jesu.”

Mumwe mukomana akati kuna amai vake, “Nditengereiwo masokisi matema.” Amai vake vakati, “Sei uri kuda masokisi matema?” Iye akati, “Masokisi matema akanaka nekuti haaonekwe tsvina. Ndinogona kuramba ndichiadzokorora kakawanda asina kuwachwa. Nyangwe ndikanzwa mumoyo mangu kuti ave kufanira kuwachwa, ndine izwi rinondiudza kuti, “Haasati anyatsosviba, imboapfeka zvakare.”

Tsvina yemasokisi matema yakafanana nerima, asi Jesu chiedza chinovhenekera murima.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>