Uncategorized

Kugovewa kwenhaka kushirikadzi

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Kugovewa kwenhaka kushirikadzi Tsika yekuda kutora midziyo yemufi zvisiri pamutemo imhosva inoendesa kujeri.

Kwayedza

Danai Chirawu
KANA munhu achinge afunga kuroora muZimbabwe, kune zvibvumirano zvewanano zvakasiyana zvinopa mudikani anenge asara mikana yekuti ave mudyi wenhaka yemudziyo yake kana kuti kwete.

Munhu anokwanisa kupinda muwanano yechivanhu (Civil Law Marriage Act) kana yekumatare nekumachechi yeChapter 5:11.

Kune wanano yetatu inenge isina kunyoreswa asi yakaitwa nenzira yechivanhu. Wanano iyi inosanganisira kubvisirana pfuma zvichibvumiranwa pakati pevanhu vabva zera. Kuti wanano iyi inzi ndeyemandiriri, panofanira kunge pakabviswa mari inonzi “rusambo” kumhuri yemudzimai. Pakadai midziyo yevaviri ava inenge yava mumaoko emutemo unodaidzwa kunzi Estate zvichipa mumwe nemumwe wavo mukana wekuzowana mugove wenhaka kana pachinge paita anenge arasikirwa neupenyu pakati pavo.

Kuti pasava nekunetseka pakugovewa kwemidziyo, zvakakosha kuti vanhu vagare vanyora wiri inoratidza kuti vanenge vachizoda kuti midziyo yavo inge ichigovewa nenzira ipi. Asi dambudziko nderekuti vanhu vazhinji vanofa vasina kunyora wiri nokudaro mutemo unoona nezvekugoverwa kwemidziyo iyi (Administration of Estates Act 9 Chapter 6:01) ndiwo bedzi unotara kuti midziyo iyi ingagovewa sei.

Kuti izvi zvinge zvichiitwa, midziyo yemufi inofanira kunge yakanyoreswa kuburikidza neMaster’s Office. Kureva kuti mhuri dzinoenda nemagwaro ekufa emufi kuMaster’s Office vachinonyoresa kuti vanenge varasikirwa nenhengo yemhuri pachibva patangiswa kunyoreswa magwaro emidziyo yaanenge akasiya.

Magwaro emidziyo yemufi anonyoreswa nenzira ipi?

Kana pachinge paziviswa kuti mumwe wevari muwanano arasikirwa neupenyu uye kuti pane midziyo inofanira kugovewa, Master weEstate anoita musangano nehama dzomufi kuti vasarudze munhu achabatsira mukugoverwa kwemidziyo wavanoda.

Basa ravo nderekutarisa midziyo yemufi, kuitengesa kana zvichibvira pamwe nekubhadhara zvikwereti zvinenge zviripo nekubhadhara Master’s Office pabasa rayo kuti izokwanisa kugovera midziyo. Mugoveri wemidziyo uyu akakosha zvikuru nekuti mhuri zhinji dzinogaroita dambudziko panyaya dzekugoverwa kwemidziyo kana pachinge pasina wiri.

Vanhu vanosarudzwa mukugovewa kwemidziyo vanosanganisira:

  1. mudzimai afirwa
  2. murume anenge asara
  3. vanenge vakakweretesa mufi
  4. vadyi venhaka inenge yasiiwa vakakodzera pamutemo.

Mutemo weAdministration of Estates Act unoti vanhu vanenge vachitorwa sevadyi venhaka bedzi ndivo vane kodzero yekuti vange vachiwaniswa midziyo yemufi. Vanhu vakakodzera kuwana migove yenhaka vanosanganisira shirikadzi inenge yasara, murume wemufi nevana vemufi zvisinei nekuti vakazvarwa mukati mewanano here kana kuti kwete uye mufi anofanira kunge anga asina kuroorwa nemumwe murume panguva yekufa kwake.

Shirikadzi inowana mugove wakadii wenhaka?

Zvakakosha kuti vanhu vazive kuti mudikani anenge asara pamwe nevana vanowana mugove wakadii. Shirikadzi kana tsvimborume inenge yasara ndiyo ine simba rekuwana nhaka yemufu zvisinei nekuti dzimwe hama dzomufi dzinotaura kuti kudii.

Tsika yekuda kutora midziyo yemufi zvisiri pamutemo imhosva inoendesa kujeri. Hazvinei nekuti unenge uri hama yepedyo sehanzvadzi, baba kana amai hauna kodzero yekutora midziyo yemufi. Kana mugoveri wemidziyo achinge apedza basa rake, shirikadzi inenge yasara ine kodzero yekugara muimba yasara iyo vaisimbogara mudikani achiri mupenyu nemidziyo yese inenge iri mumba imomo. Kana achinge aine mimwe midziyo yakadai semba inogona kugoverwa pakati pake nevana.

Zvii zvinoitika kana mufi aine madzimai anodarika mumwe chete?

Kana murume achinge aine madzimai anodarika mumwe chete, mudzimai mumwe nemumwe anenge aine kodzero yemba iyoyo nemidziyo irimo mavanenge vari kugara. Kana mudzimai akanga ari kugara kumaruwa murume asati afa, anowana imba yekumaruwa iyoyo semugove wake.

Kana mudzimai wepiri anga achigara muimba yemhando yepamusoro sekuChishawasha anenge ane kodzero yekuwana imba iyoyo yaakanga ari kugara nemidziyo inenge irimo. Pakadai ndipo panoonekwa kukosha kwewiri.

Vana vevakadzi vese ava vane kodzero yekuwana migove inenge yasara panogoverwa vana amai vavo midziyo. Nyaya huru iri pamutemo ndeyekuona kuti shirikadzi yachengetedzwa nekuwaniswa migove yakakwana mushure mekufirwa nemurume. Kana vanhu vari muwanano vakatenga midziyo pamwe chete, zvakakosha kuti vange vachiinyoresa zvizivikanwe pamutemo kuti zvisazonetsa pakugovewa kwayo.

Midziyo inogoverwa sei pamadzimai ane mhando yewanano yakasiyana?

Kana munhu achinge akaroorwa pasi pemutemo weCivil Law nemufi pachizoita mudzimai anoroorwa mumashure nenzira yeUnregistered Customary Law zvinoreva kuti mudzimai anenge aroorwa pasi pemutemo weCustomary Law haana chaanowana panhaka yemufi. Nyaya iyi ichine gakava guru nekuti inopa masimba kuvanhu vari muwanano yeCivil Law nokudaro zvakakosha kuti murume ange achigura wanano yeCivil Law kuburikidza nedare guru reHigh Court asati apinda muwanano yechivanhu nemumwe mudzimai.

Kana murume achinge akaroora madzimai maviri kana kudarika mushure mekunge akamboroora mudzimai wekutanga pasi petsika yechivanhu, kana achinge azofa madzimai ese anenge akaroorwa pasi peCivil Law wanano dzavo dzinoenda paCustomary Law nokudaro midziyo yemufi inogovewa pakati pavo vese zvakaenzana.

Hakuna zvakadaro pamutemo kuti hama dzemufi ndidzo dzine mukana wekutanga pakugovewa kwemidziyo yemufi asi kuti shirikadzi inosara ndiyo bedzi ine kodzero yekuwana nhaka yemufi pamwe nevana. Kuti vanhu vasazotemesana musoro pamwe nekushungurudza mhuri inenge yafirwa, zvakakosha kuti vange vachinyora mawiri.

. Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>