Kukosha kwemvura mukurwisa Covid-19

25 Mar, 2021 - 10:03 0 Views
Kukosha kwemvura mukurwisa Covid-19

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO reMiracle Missions Clean & Green, richishanda neCommunity Water Alliance (CWA), Spar nekanzuru yeHarare, nemusi weMuvhuro vakabatsira vagari vekuTafara neMabvuku nemidziyo yekushandisa pakurwisa chirwere cheCovid-19.

Izvi zvakaitwa musi waicherechedzwa zuva reWorld Water Day.

Midziyo iyi inosanganisira mamasiki, masanitizer nemarita 10 000 emvura yakachena izvo zvakagoverwa kuvagari vemisha miviri iyi.

Gore rino zuva guru reWorld Water Day rine dingindira rinoti, “Kukosha kwemvura” zvinova zvinofambirana nezvakapupurwa nevazhinji pachiitiko ichi apo vaitaura pamusoro pekukosha kwemvura mukurwisa Covid-19 nezvimwe zvirwere zvemanyoka.

Vachitaura pachiitiko ichi, Muzvare Hildaberta Rwambiwa veCWA, vanoti mvura ndiyo musimboti weupenyu, nokudaro vanhu vanofanira kuiwaniswa nguva dzose.

“Takabatana nemamwe masangano kuti tiunzire vagari vemuno muTafara mvura zvichitevera kutushuka kwemasuweji ayo ari kuzosangana nemvura. Svondo rapera takavapa migomo yekuita zvirongo uye mapiritsi ekuchenesa mvura. 

“Vagari vemuMabvuku neTafara vanofamba makiromita mashanu kunochera mvura kuzvibhorani nekuti kana isiko, mudzimba hamugarike. Tabatsira vanhu vanodarika 600 nemvura. 

“Kuti varwise chirwere cheCovid-19 nekusimudzira utano nehutsanana, vanhu ava vanoda mvura,” vanodaro.

Shamiso Pfumayaramba, uyo anova mutevedzeri wemukuru wezvekutengesa nekushambadza kuSpar Zimbabwe, anoti mvura yakakosha kuutano hwevanhu.

“Takanzwa kuti kune pombi yetsvina yakaputika izvo zviri kusvibisa mvura inonwiwa nevanhu kuno. Ndokusaka takaita mushandirapamwe wekuvawanisa pashoma patinapo. Tavapa mamasiki nemasanitizer kuti vazvidzirire kubva kuchirwere cheCovid-19,” anodaro.

Alice Mazango anotiwo mvura idambudziko guru sezvo iri kuwanikwa munzvimbo mavo pari zvino yakasviba zvikuru.

Kuchiti Modesta Bangomwe anoti kunaya kwemvura kwakasiya mvura netsvina yemuzvimbuzi zvisangane.

“Tinotonowachira kuzvibhorani zviri kure nekuti mvura yacho chero tikaishandisa, hembe dzinosara dzichinhuhwa. Tinofamba makiromita mashanu kunotsvaga mvura nokudaro tinoti dai tachererwa zvibhorani,” anodaro.

Irete Chigariro anotenda vatsigiri vari kuvawanisa mvura munharaunda. 

“Kutaura kudai vana vane manyoka nekuda kwemvura yatiri kunwa. Tinorwisa seiko Covid-19 mudzimba nemuzvikoro kana tisina mvura,” anodaro.

Patricia Mutumba anova water point community member anotendawo achiti, “Mvura inodiwa nguva dzose, mudzimba, muzvikoro, pakurima nemumaindasitiri. Kuti tikunde dambudziko recoronavirus, mvura inofanira kuvapo.” 

VaCassius Munetsi, vanova acting district officer wekanzuru kuTafara, vanoti dambudziko remvura rinofanira kugadziriswa munzvimbo iyi sezvo rakakurisa.

“Tine hurongwa hwekucheresa zvibhorani zvakawanda kuitira kuti vanhu vawane mvura yakachena tichishanda nevatsigiri vedu vari pano nevamwe. Kune vamwe vanhu vakazvigarisa zvisiri pamutemo avo vari kushandisa mvura dzemumatsime uye zvimbuzi zvemakomba (blair toilets) zvinova zvinoisa utano hweruzhinji panjodzi,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa neZimbabwe Vulnerability Assessment Committee (Zimvac) inoratidza kuti nzvimbo yeMabvuku neTafara ndiyo iri pamberi mugura reHarare rose padambudziko remvura.

Share This:

Sponsored Links