Uncategorized

Kukundwa kufunga nehuku

31 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
SARUDZO hadzisi dzematongerwo enyika chete, kwete. Nesuwo tine sarudzo dzezvimwe zvinhu zvakawanda dzatinoita.

Kusarudza kuda kana kusada.

Kusarudza kumira tichiona murume nemukadzi vatisingazive vari kurwa pamagirosa. Kusarudza kupa kana kunyima Mwari chanzi yekuti atiratidze kuti hupenyu chii.

Tinosarudza kutaura chokwadi, kana kunyepa. Asi ndinotenda Mwari kuti havana kuti vana vasarudze vabereki. Dai vana vaisarudza vabereki, dai vabereki vazhinji vasina vana.

Zvimwe chetewo nevamwe vana vanoshungurudza vabereki, dai zvainzi vabereki vasarudze, vana ivavo vangadai vari maburi anobvinza. Nekuti kana uri buri uri chinhu chisipo!

Iko zvino ndave kunzwisisa kuti sei mumwe mufundisi akati pane chikonzero chiripo chakaita kuti Eve ave mbabvu muBhaibheri. Akati chikonzero ndechekuti ukatora tsvimbo kuti urove munhu pambabvu, munhu iyeye anodzikisa maoko ake kuti avharidzire mbabvu dzake.

Adam ndiye ruoko rwakasimba rwunochengetedza Eve. Adam haaise Eve pachena, asi iye ndiye anogamha tsvimbo nezvibhakera, achigamhira Eve.

Murume chaiye anofanira kufa achirwira kuchengetedza mukadzi wake nemwanasikana wake.

Haafanirwe kupa mukadzi nemwanasikana wake kuti vatorwe, kuti iye agobuda mune zvinonetsa. Varume vanopa vanasikana nevakadzi vavo kumapere kuti ivo varege kutarisana nematambudziko imbwende.

Handina kumbobvira ndazvifunga kuti kune vamwe vanhu vanokundwa kufunga nehuku.

Kana uchida kuona kuchengeta nekuchengera – cherechedza huku ichangobva mukuchochonya mazai. Hausvike pedyo nayo ukabata tunhiyo twayo yakati favava. Unoiona zvino yavhura mapapiro ayo ichimhanya kuti ikurume.

Maitiro ayo, nekuchema kwainenge ichiita anokuudza kuti pano paita hondo, hapana kumira zvakanaka.

Ndakaona huku ine nhiyo ichimisidzana nenyoka nevavariro yekuti ichengete vana vayo vasadyiwe. Ndakaona huku ichirumwa nenyoka asi ichiramba yakavharidzira vana vayo pasi pemapapiro. Ndiko kuchengetedza.

Huku haitize nyangwe chinhu chakakura semombe, nekuti inoziva kuti vana vayo havana simba, uye havazive chinonzi njodzi kana kutiza njodzi.

Ndizvo zvinoita kuti Jesu muBhaibheri ashandise muenzaniso wehuku achiti, “Iwe Jerusarema, Jerusarema, iwe unouraya vaprofita uye uchitaka namabwe avo vakatumwa kwauri, kazhinji sei kandaidisa kuunganidza vana vako pamwe chete, sehuku inounganidza hukwana dzayo pasi pamapapiro ayo, asi ukaramba!”

Zvino ndipo paunonzwa kuti vamwe baba nevamwe amai vakanosiya mwana kun’anga kwemakore 10, achirapwa nekurepwa.

Imi kurapwa rudzii kunoita makore 10? Hamuzvione kuti n’anga iyo yakatozviona kuti inogona kuita zvainoda nekuti kubvuma kusiya mwana kun’anga kwakaita vabereki ava kunoratidza kushaya han’ya.

Hazvireve chinhu kuti baba namai vataure kuti vakaita makore 10 vachitadza kutora mwana wavo kubva kun’anga. Inga wani vanhu vanorwira zvipfuyo zvavo chaizvo. Kutoona munhu achisarudza kufa nekuti vanhu vanenge vamutorera imbwa yake chaiyo.

Hakuna munhu anorambira nemwana wemumwe munhu nekuti mwana haasi hembe yemubhero yakabviswa pamuviri nemumwe munhu nekuti akanga asisaide.

Zvino nyangwe mukazotora mwana uyu mushure memakore ese aya, anofara here kuti mamununura iye akachekwachekwa nyama nemweya kudaro? Kana dai vari baba vakanga vachitungamirira zvekutaurirana nen’anga iyi, amai vaive kupi chaizvo?

Madzimai muri vabatsiri mudzimba umu, regai kungobvumira hufuza hwevarume. Regai kukundwa nechidhinha chisina maziso nepfungwa chinoziva kuti kana chagadzikwa pachagadzikwa chinofanira kugara, asi kana pakauya chinokoromora madziro chinobva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>