Uncategorized

Kunwa usina kuvhura chivharo

01 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA

naIgnatius Mabasa

PANDAKABHEUKA nemota, pane zvakasara panzvimbo yandakaitira tsaona. Pakasara magirazi nehungwandangwanda hwezvinhu zvakabva nekupwanyika pamota. Pakasarawo hurubvurubvu hwechingwa nezvimwe zvekudya zvatakanga takatakura.Panoitika tsaona panosara zvakawanda, dzimwe nguva panosara hupenyu hwevanhu. Panogonawo kusara mitezo — mawoko, mazino, makumbo neropaIni ndinotenda Mwari kuti nyangwe zvazvo mota yakaparara, hapana hupenyu hwakasara.

Asi ndine chidzidzo chikuru chandakadzidza kubva mutsaona iyi. Kukuvara mushure metsaona kutangawo kwehurwere hwakasiyana-siyana. Unogona kusvuuka, kuchekwa, kubonderedzwa, kutyoka, kukuvarira mukati, kuzvimba nekurwadziwa. Unogonazve kusarwadziwa zvekuti unotobatsira vamwe vanenge vakuvara zvinoonekwa.

Asi kusarwadziwa kana kusakuvara zvinoonekwa kunze hazvireve kuti unenge usina kukuvara. Nhamo chaiyo mushure metsaona ndeyekuti vasangana netsaona vabvume kuti vakuvara nyangwe vasina pachekwa kana pazvimba.

Ini ndine hama mbiri dzandakanga ndakatakura mumota pakaitika tsaona. Mushure metsaona iyoyo, hama idzodzo dzakanditi, “Isu hatina kukuvara.”

Zvechokwadi ndivo vakanga vave kutounganidza zvinhu zvakanga zvarasika nekudzivisa vanhu vakanga vachiuya vachida kutora zvinhu kubva mumota.

Iko zvino ndave kuona kuti pane kukuvara nekurwara kusingataure panguva dzinenge dzaitika tsaona. Rinogona kuita basa guru chairo kuudza vanhu vapona mutsaona kuti vanogona kunge vakuvara. Vazhinji vanoti kana vakaona vachikwanisa kufamba nekutaura, uye pasina pakuvara kana kuzvimba, vanotobva vazvisimbisa kuti vakanaka.

Asi kune vanhu vanogona kusvika pakufa chaiko vachingoti, “Handina kukuvara kana kuzvimba, asi ndine kakurwadziwa, ndinofunga kuti zvichapera mumazuva anotevera.”

Munhu ari kuzviona nekuzvinzwa kuti haana kukuvara anogona kubvuma zvekumanikidzira kuti aende kunoonekwa nachiremba. Asi kana asvika kuna chiremba anobva apfeka chiso chemunhu asina kana panomunetsa. Anongonongedzera pamaranzurwa nepakasvuuka chete, asi kuti anyatsopa chiremba mukana wekunyatsoongorora zvese haadi.

Nyaya inotozonyanya kunetsa kana chiremba akati pane zvinhu zvikuru zvinofanira kuitwa kuti murwere ararame zvakaita sekupihwa mubhedha kana kuvhiyiwa.

Asi zvakakosha kwazvo kuti munhu azive kuti kusimba kwemuviri wake nhasi kunogona kushanduka mushure metsaona kana chimwe chiitiko.

Nyoka kana ikarohwa nematanda inoramba iri nyoka nyangwe yakuvara, asi nyoka iyoyo inogona kunge isisakwanise zviito zvenyoka. Inenge isisakwanise kusimudza musoro, kukwira miti kana kuzviunganidza kuita hata.

Zvimwe chetewo nehupenyu hwedu hwekunamata nehwemweya. Kashoma kuti vanhu tinzwe kuti tine zvivi, tiri vatadzi. Hatidi kunzwa vanhu kana vafundisi vanonyanya kutaura nezvezvivi nekutadza.

Kana zvadaro, hatidiwo zvakare kuenda kunorapwa hurwere hwezvivi zvedu kunyanya munyika yedu ino yazara kutsvaga kushandirwa, minana nekupfuma asi isingade kunzwa zvekuve nemwoyo wakaputsika. Mwoyo ngauve apo Mwari vanoda kuti uve, ipapo chete ndipo paunowanikwa wakaputsika. Nemunhu akuvara ngaateerere kuti chiremba ari kuti kudii, kwete kuti iye ari kuzviona sei.

Kufanana nevanhu vanoti mushure metsaona vakasimba, nesuwo vazhinji vedu tinotya kubvuma hudera hwekutadza kwedu. Asi kutadza kwedu kana tikasakubvuma kuti idambudziko, Mwari havagone kutibatsira.

Nevanhu vanenge vakuvarira mukati patsaona vakasabvuma kupa chiremba mukana, vanonoita kafiramberi. Vanenge vafanana nemunhu ari kuda kunwa chinwiwa asina kuvhura chivharo.

Kubvuma kuti munhu inyama inogona kurwara, kufa nekuora ndiko kuziva kuti dhiri raJesu rekuti nyama inoora irege kusaora idhiri svinu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>