Uncategorized

Kunyepa, hatina kuzvarwa takangodaro

27 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
ICHOKWADI here kuti takazvarwa takangodaro? Takazvarwa takangodaro here tichida zvinhu, tiine maziso asina kurongeka nemwoyo inobanhira tenzi kumadziro?

Takazvarwa takangodaro here tiine maziso nehana dzinodonhedza musika wetsika?

Kuzvarwa tiri zvipunu zvinopakurira vamwe tsvina neponogirafu pamafoni? Kune rimwe skiri risiri rekuzvarwa naro, skiri rekukopa kubva kune vamwe vanhu vakasvinwa hunhu hwese vakasara vaoma setauro.

Iwe skiri rako nderei? Skiri rekusticker? Skiri rekubhowa vamwe?

Unogona kunge uchiti zvechokwadi inini blaz ndakazvarwa ndakangodaro!

Asiwo inini ndiri kuti hakuna munhu akazvarwa akadhakwa. Hakuna munhu asingashanduke kana achida. Kune skiri rekudzidziswa nenzvimbo yaunogara seGhetto, skiri rekuzvida nekuonererwa.

Maskiri iwayo haasi ekupembedza uchifaisa hunhu hunokutadzisa kugarika newe. Hatina kumbozvarwa takadaro, kunyepa. Kana Ghetto harina kugara ririko kubva kare.

Takazvarwa tisingadye sadza, asi takatozoita rekudzidzira zvese nekuti musuva wesadza unosvinyangwa uchisevewa mumuto.

Saka hunhu hwemuGhetto ndehwekuda.

Hakuna anozvarwa akadaro, nyangwe hwindi haana kuzvarwa achigona kurembera padoor rekombi, asi akatozvidzidzira.

Ihwo hunhu hwemuGhetto ndihwo hwakaita sei?

Hunhu hune hunhu here, nekuti kuti hunhu huzonzi hunhu, panenge pane zvinoyemurika. Munin’ina wangu akambowana mota yake yavharirwa neyemumwe munhu akanga achitaura neshamwari dzake. Munin’ina wangu akanokumbira kuti munhu uye afambise mota yake zvishoma kuti iye agoburitsa yake. Asi munhu uye akabva angoti, “Ko kana ndisingade kukuvhurira?”

Zvechokwadi akatoramba kubvisa mota yake akaramba achitaura nyaya nevamwe vake. Munhu iyeye haana kumbozvarwa akadaro.

Mumwe musi pamusika ndakaona vamwe amai vakanga vachitenga chibage nepahwindo rebhazi. Vakati kumurume aitengesa chibage, “Ndipeiwo icho.” Murume uye akatora chibage chaive chakabairwa pawaya akavapa. Vakati vagashira chibage chiye, vakabva vati, “Handisi kuda chamandipa, ndipei icho chiri kwekupedzisira.”

Murume uye akavapa chibage chavakanga vataura, asi nyangwe zvakadaro, ziso ramai ava harina kugutsikana. Vakadzosera zvibage zvavakanga vapihwa pekutanga, vakatora chimwe chechitatu.

Tiri vanhu vekusarudza. Tinosarudza patinoda kugara, dzimwe nguva nevatinoda kugara kana kugarisana navo. Ndinoziva imwe mhuri yakatama pamba pavaigara nekuti muvakidzani wavo aive asingajairike, ari shasha yekutaura kunenge kupfeka kwaZodwa Wabantu.

Zvizhinji zvatinosarudza nekuti tinotongwa nemaziso edu nemwoyo. Tinosarudza zvinonzi nevazhinji zvakanaka — ingave weave, hembe, murume kana mukadzi.

Kana pakudya chaipo, kune vanotsvaga mune nyama yakawanda kudarika mumwe.

Muhupenyu huno tinoda zvinhu zvinotifadza, zvinotiita kuti tiyemurwe nevamwe vanhu. Izvozvo ndizvo zvinoita kuti kana mwana akaona chidhori chine mumwe mwana ade kuti chiite chake. Izvozvo ndizvo zvave kukonzera kuti vanhu vade kuvaka mazidzimba, kushanda basa rinobhadhara mari zhinji kana kurarama hupenyu hwekuti vanhu vakutye.

Kana madhiri edu ataifunga kuti achabhadhara achinge aramba, tinotenga doro, kudhakwa zvese nebonde kuti tinzwe zviri nani. Asi zvinhu izvozvo – maskiri iwayo anongotisiya tisina kuzara sechechi yepasi pemuti.

Asi kuzorora kana kugutsikana kunowanika here? Kune akatsvaga akawana zvaaida zvese here? Hongu variko asi vakanga vasingazvitsvage muGhetto.

Mwari anoshevedza vanhu kuti vawane zvavasina. Mwari havakumanikidze kuti uvade. Vanokupa mukana wekuti usarudze zvaunoda iwewe pachezvako. Shungu dzavo ndedzekuti uvawane, ugoregera hunhu hwemuGhetto, nekuti Ghetto harisi denga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>