Uncategorized

kurembera zvava zvinhu pa‘town’

10 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
kurembera zvava zvinhu pa‘town’

Kwayedza

—‘Kusiri kufa ndekupi?’ — ‘Inhamo inotidariso’ — Tiri kuvasunga: Zrp

Muchaneta Chimuka —
“MAHWINDI vanongoita zvose-zvose zvavada. Ndivo mutemo pachavo nekuti havana zvavanoitwa.”

Mashoko akaita seaya haachashamisa kunzwa achitaurwa neveruzhinji pamusoro pemunhu anoshanda sahwindi.

Hwindi ndiwo machinda aya anokanganisa vanhu vanofamba nemabhazi, makombi kana motokari dzeruzhinji vachivambunyikidza kufamba zviri nyore apo vanenge vachiita sevanoda kuvabatsira. Vakazara munzvimbo dzinokwirirwa mabhazi nemakombi.

Vanotaura vanoti mahwindi vanongoita zvaada, pamwe pacho vachityora mutemo asi pasina zvavanoitwa.

Vakada kutaura zvinyadzi, kuitira weti pese-pese kana muzvigubhu, kushungurudza vanhukadzi vavanofunga kuti havana kupfeka zvakadzikama, kurova vanhu vanozvifambira, humbavha nezvimwe zvinongoshungurudza vavanoti “vabereki” kana kuti “vaRungu”, kutyaira mota vasina marezenesi — hwindi anongoita madiro “patown”.

Nguva nenguva mahwindi vanongouya nekamuitiro katsva, zvisinei nekuti vanenge vachityora mutemo zvakadii.

Yanetsa mazuva ano ndeyekurembera panze pemotokari yakaita sekombi kana bhazi richifamba —kutobva sepakati peguta reHarare kunosvika sekuChitungwiza kana kuEpworth ari chinamira kumashure kwekombi. Panze!

Nezvinenge zvakaita mapurisa emumugwagwa — hwindi anodarika akarembera.

Nyaya yemahwindi anofamba akarembera panze pemakombi kana motokari diki dzinozivikanwa nekuti “mushika-shika”, pakutanga yaimborovesa veruzhinji hana nekuvatyira kuti vanogona kudonha vakakuvara kana kufa. Asi iye zvino chatove chijairira, chipo chemahwindi mazhinji ave kungorembera mota dzichifamba.

Kwayedza yakaita tsvakurudzo pamusoro petsika iyi ikanzwa kubva kumativi ose — mapurisa, iwo mahwindi acho, vatyairi vedzimota neveruzhinji.

Mahwindi anoti nhamo ndiyo yavatamba “rough”, zvekuvatuma kuti vafambe vakarembera pamotokari dzinotakura veruzhinji.

Semuenzaniso, mahwindi maviri, matatu kana kudarika vanobva kunzvimbo inokwirirwa motokari yekuna Fourth Street vose vakarembera pakamotokari kanenge kakavhurika bhuti, vachitodarika nepakati peguta reHarare kunosvika kuMarket Square. Mavanodarika namo munenge muine vanochengetedza mutemo.

Mamwe mahwindi nevatyairi vemakombi pamusika uri kwaMakoni, kuChitungwiza, vanoti chikonzero chinoita kuti varembere ndechekuti vanenge vachitsvaga mari.

“Inhamo inoita kuti tirembere, tinenge tichiedza kuraramisa mhuri. Tinoziva kuti zvine njodzi uye tinombodonha tichikuvara asi hapana zvekuzviita,” anodaro Fatso Chinamhora (25).

Eto Samuel (23) anotiwo vanodonha ndeavo vanenge vakadhakwa, vasina kubatirira zvakasimba.

VaTsvarai Kuratidza (35), avo vanova mutyairi wemakombi anoenda kuWedza, vanoti mahwindi anonetsa kutsiura uye dzimwe nguva vanokwira vakawanda vachinamira pamakombi avo.

“Ichokwadi, tiri panguva yakaoma. Asi ndinoshora vamwe vedu vanovapa mari izvo zvinoita kuti varambe vachidzoka. Varidzi vemakombi iwaya havatozvidi zvachose nekuti anokwachurwa mimwe midziyo yakaita semabhamba nemaview mirror pakurembera kwavanenge vakaita.

“Kana mapurisa nevekanzuru vakauya vachitimhanyisa, ivo vanenge vakarembera vanodonha vakafa nekuti ini ndinenge ndava kutosimudza kombi ndichitya kusungwa,” anodaro mutyairi uyu.

Nomara Dovatova (34) anotiwo kurembera ndiko kudya kwake — zuva nezuva.

“Kusiri kufa ndekupi? Ini ndinorembera ‘full time’. Ndiko kubasa kwangu nekuti tinenge tichida kuzadza kombi kuti tibate tageti yedu. Rufu rwunongouya chero uri kunze kwemugwagwa unongotsikwa asi kana nguva isina kukwana handife,” anodaro achiratidza kunge munhu akadhakwa.

Tafadzwa Pari, uyo anova mutyairi wemakombi anoti mahwindi akawanda anodonha apo vanotiza kusungwa nemapurisa.

Mai Catherine Mambondiyani (34) vekuChitungwiza vanoti zviri kuitwa nemahwindi huwori, izvo zvinoita kuti vasasungwe pakurembera kwavanoita mota dzichifamba.

“Mukufamba kwatinoita, tinoshungurudzwa zvikuru nemahwindi — sepamusika wekunaFourth Street — uko tinokwira mabhazi anoenda kumusha kwedu kwaMutare. Tinoona mahwindi achidhonzera vanhu mabhegi vachigumisira vabirwa. Vamwe vanenge vakarembera kumashure kwemabhazi, vamwe pamahwindo vachiti makumbo ari mubhazi mumwe mutumbi wese uri panze, vachitsvaga vanhu asi havasungwe chero vakapfuura nepane mapurisa,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Masimo vekuChitungwiza kwakare, vachiti nyaya yemahwindi vanorembera pamota dzinenge dzichifamba yasvika pakaipa.

“Vanorembera kumashure kwemakombi vakawanda zvekuti kana motokari ikasimuka, vanogona kudonha vakafa kana kutsikwa neimwe motokari inenge ichitevera kumashure,” vanodaro.

Vamwe ndivo vanoti mahwindi aya anowedzera huwandu hwevanhu vanenge vari mumakombi, izvo zvinogona kuita kuti iremerwe zvakanyanya, matayi ozoguma aputika.

“Kombi ine huwandu hwevanhu vanotarisirwa kuvamo, nekudaro kukazoita vamwe vashanu vakarembera kumashure, inogona kuputika matayi. Kurembera uku zvakare kunokanganisa mutyairi nekuti haazoona zvakanaka kwaanenge achibva sezvo magirazi anobatsira mutyairi kuone mafambiro ake anenge akavharwa nevanhu vanenge vakarembera,” anodaro mumwe mukadzi asina kuda kudurwa nezita.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kuchikamu chinoona nezvemumigwagwa munyika yose — Inspector Tigere Chigome — vanoti imhosva huru kuti vanhu vaonekwe vakarembera padzimotokari nekuti zvinokonzeresa tsaona uye injodzi kune vanenge vakarembera vacho.

“Kurembera imhosva huru uye tiri kusunga vanhu ivavo zvakasimba, zvisinei nekuti vanoramba vachizviita vachiti kana vasvika pedyo neroad-block yemapurisa vanobva vajamba vozonokwirira kumberi. Chokwadi ndechekuti tichiri kuita gonzo nachin’ai nemahwindi.

“Tinosunga mutyairi wekombi ine vanhu vakarembera pamwe nemunhu wacho anenge akarembera,” vanodaro.

Insp Chigome vanoti kazhinji kacho vatyairi vemakombi vanosimudza motokari vasina kutarisa kuti pane vanhu vakarembera.

Izvi, vanodaro Insp Chigome, zvinoita kuti mahwindi apedzisire adonhera mumugwagwa, vamwe vokuvara kana kutsikwa nemotokari dzinenge dzichitevera kumashure sezvo vatyairi vacho vanenge vasiri kutarisira kuona munhu ari mumugwagwa.

“Tinokurudzira vatyairi vose kuti vasasimudze motokari dzavo vasina kutanga vatarisa kuti misuwo yakavharwa zvakanaka here uye huwandu hwevanhu vari mukombi nezvavari kuita nekuti unogona kupinda mujeri wakarivara munhu adonha akarembera pakombi yako. Unonzi wakatyaira motokari usina hanya uye wauraya munhu.

“Kurembera ikoko kunokanganisa mafambiro edzimotokari mumigwagwa nekuti vatyairi vanenge vasisaoni zvakanaka uye motokari inoremerwa,” vanodaro Insp Chigome.

Kana pari pakurembera motokari ichifamba, hazviite sekunge mahwindi vacharehera tsika iyi nekukasika.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>