Kurimwa kwesoya bhinzi kwosimbaradzwa

20 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Kurimwa kwesoya bhinzi kwosimbaradzwa Prof Mpepereki

Kwayedza

Kingstone Mapupu

KURIMWA kwesoya bhinzi kosimbaradzwa kumativi mana enyika kuburikidza nenyanzvi dzezvekurima dziri kufamba dzichidzidzisa varimi marimiro akanaka echirimwa ichi.

Professor Sheunesu Mpepereki vanotungamirira sangano reZimbabwe Soya Beans Association uyewo vari kuchikamu chezvekurima kuUniversity of Zimbabwe vanoti vakatanga chirongwa chekuendesa varimisi nedzimwe nyanzvi dzezvekurima kumatunhu akasiyana enyika uko vari kunosangana nevarimi vachivapa ruzivo ruzere rwemarimirwo esoya bhinzi.

“Kurimwa kwesoya bhinzi munyika muno kuri kusarira kumashure zvikuru izvo takaona kuti ibasa rinofanirwa kutsigirwa zvizere.

Varimi vedu havana ruzivo, saka takavamba chirongwa svondo rakapera chekuti varimisi vedu vatenderere nyika yose vachipa ruzivo kuvarimi,” vanodaro Prof Mpepereki.

Vanoti soya bhinzi kare yairimwa kunyika dzeSouth East Asia ndokuzopinda munyika muno makore ekuma1920 ichirimwa nevachena vemumapurazi. “Makore ekuma1940, chirimwa ichi chakazotanga kurimwa zvakanyanya kumapurazi evachena apo chaigadziriswa kudya kwezvipfuyo zvakaita semombe nezvimwe. Zvekusvina mafuta zvakazotanga makore akatevera.

Nyaya dzechikafu dzakakosha zvikuru, mukaona China ine vanhu vanokwana bhiriyoni nechidimbu umo munorimwa soya bhinzi vanhu vasingafe nenzara, ndiko kunotengwa soya bhinzi kudarika dzimwe nyika pasi rose,” vanodaro.

Vanoti vari kukurudzira varimi kuti vatore kurima soya bhinzi sebhizimusi.

“Chapinda muno kudaro, chakazowedzera kurimwa makore ekuma1960 nekuma1970 kusvika mugore ra1980 apo nyika yakawana kuzvitongwa kuzere.

Kuvarimi vadiki vechitema, chakazotanga kurimwa kuChiweshe nekuMagunje kuHurungwe chichikwetsverwa nebazi rezvekurima,” vanodaro Prof Mpepereki.

Vanoti kurimwa kwesoya bhinzi kwakambosimbaradzwa kuchitsigirwa neHurumende uye neUZ makore ekuma1987 kusvika 1989 apo mugore ra1995 nyika yakakohwa pakuru.

“Chirongwa chekurimwa kwechirimwa ichi chakaramba chichisimukira zvikuru munyika apo mugore ra2005 nyika yakakohwa matani anokwana 40 000 asi mugore raitevera pazokohwewawo matani 100 000,” vanodaro.

Dambudziko riripo, vanoti varimi havana ruzivo rwemarimirwo chaiwo esoya bhinzi sezvo vakawanda vari varimi vatsva.
“Saka nedonzvo rekusimudzira kurimwa kwesoya bhinzi munyika, takasarudza madhumeni ari kuenda kuvarimi kunopa ruzivo. Varimisi vedu vari kutanga nekunzvimbo kwatinoona kuti chirimwa ichi chinoita zvakanaka sekuMashonaland Central nekuMashonaland West. Izvozvi vari kuGlendale nekuMazowe uko vari kuitisa varimi zvidzidzo,” vanodaro.

Prof Mpepereki vanoti nguva yekudyara soya bhinzi ichiripo kusvika svondo rinotevera.

“Chirimwa ichi chinodhura kurima sezvo chinoda mari inosvika US$400 kuti urime nzvimbo yaunokohwa tani imwechete. Pakukohwa, murimi anokwanisa kuwana matani maviri zvichidarika pahekita yoga-yoga zvichisiyana nevarimi vacho,” vanodaro Prof Mpepereki.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey