Kurwisa HIV mumajeri

16 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Kurwisa HIV mumajeri PaWhawha Medium Prison ndipo pane vamwe vasungwa vakabatsirikana nechirongwa ichi.

Kwayedza

Tadiwa Nyatanga-Pfupa
KAMBENI yepasi rose iripo parizvino yekurwisa HIV – Ziva paumire – yakapinda mumajeri akasiyana nechinangwa chekukusha ruzivo maringe nenyaya dzeutano hwesikarudzi, HIV neAIDS, rurindi pamwe nezvimwe zvirwere zvepabonde.

Sangano reNational AIDS Council (NAC) rine vamwe varinoshanda navo vanotsigira vanhu vari munzvimbo dzakadai semajeri mukurwisa HIV.

Vanhu vari mumajeri vanopihwa ruzivo maringe nekurwisa nyaya dzekushandiswa kwezvinodhaka uye vachiwaniswa mikana yekuvhenekwa HIV nechirwere cherurindi.

Vanofundiswa zvakare kuti vange vachikwanisa kudzidzisana pachavo maringe neHIV (peer educators).

PaWhawha Medium Prison ndipo pane vamwe vasungwa vakabatsirikana nechirongwa ichi.

Jeri iri rine vasungwa 1 500 uye vari vemazera akasiyana apo vechidiki vari 300 vaine makore 24 okuberekwa zvichidzika.

Vanofundisa vamwe ava vanhu vakazvipira kubatsira munyaya dzekuti vange vachiramba vachitora mishonga yavo pamwe nevanoda kubatsira varwere vanenge vari kudzimba.

Vabatsiri ava vanotaura kuti kune vasungwa vakawanda kwazvo vakauya kuzovhenekwa utachiona hweHIV uye vanenge vaonekwa vainahwo vanoiswa pachirongwa chekuti vange vachikwanisa kutora mishonga yavo.

Vachitaura nezvechirongwa ichi, murongi kusangano reNAC mudunhu reVungu – Sukholuhle Sibanda – anoti chirongwa ichi chiri kuratidza kutambirwa zvikuru nevasungwa vakawanda uye vashandi vepamajeri.

“Tine chikwata chevatsigiri vanobatsira vamwe saka tinovapa ruzivo rwekuti vanopakurira vamwe,” vanodaro.

VaDavid Bhusvumani vanova mumwe wevatsigiri ava paWhawha vanoti vazhinji vachangobva mukubatwa neutachiona hweHIV vari kuregedza kuenda kunotora mishonga yavo kubvira pazuva ravanosungwa nepavanozopinda mujeri.

“Mumwe munhu anogona kusungwa asina mushonga wake saka zvinogona kumuremera kuti ange achitaurira mapurisa kuti ange achinotora mishonga yake asati avharirwa. Vazhinji vanotozowana mishonga yavo vatova mujeri uye kana vachinge vabuda pachena maringe neutano hwavo,” vanodaro.

VaSimbarashe Dube vanova mumwe wevasungwa vanoti chirongwa ichi chakakosha zvikuru kuvasungwa nekuti chinoita kuti vanyevenutswe mupfungwa.

Vanoti vasungwa vazhinji pavanopinzwa mujeri vanoshaya tariro neupenyu hwavo saka vanenge vasingachaoni chikonzero chekuti vange vachidura maringe nezveutano hwavo.

Chikamu chezveutano chepaWhawha chinokumbira veruzhinji kuti vange vachivabatsira nemagumbeze, zvikuru sei munguva ino yechando pamwe nemishonga apo vanobatwa nezvirwere zvakasiyana.

VaClifford Mafuta vanova Chief Correction Officer kuZimbabwe Prison and Correctional Services vanoti  vanotenda zvikuru sangano reNAC nekubatsira vasungwa. “Chirongwa ichi chinobatsira zvikuru mukurwisa nyaya dzeutachiona hweHIV mumajeri nenzira iri nyore,” vanodaro.

VaShumba Mambewu vanova Provincial Manager weMidlands kusangano reNAC vanoti hapana munhu anofanira kusiiwa muchirongwa ichi.

“Tine vasungwa vakawanda vari kurarama neutachiona hweHIV saka tinokurudzira kuti musungwa wese azive paamire kuitira kuti vanenge vaonekwa vaine utachiona uhwu vange vachiwaniswa mishonga yemaAnti-Retroviral Drugs,” vanodaro.

Vanoti kuvhenekwa HIV nechirwere cherurindi kunobatsira mukuderedza ndufu munyika uye hazvirevi kuti mubatsiri wevarwere anenge ari munhu ane HIV asi kuzvipira kushanda nevamwe bedzi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>