Kushandiswa kwemakondomu nemazvo

05 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Kushandiswa kwemakondomu nemazvo Makondomu echirume

Kwayedza

Kuna Chiremba

Ndiri murume ane makore 20 okuberekwa. Handisati ndamboita bonde hupenyu hwangu hwose. Ndakatanga zvidzidzo zvangu zvekukoreji nguva pfupi yadarika uye kuve kure nekumba kunoita kuti pave nemukana wekuita bonde pane dzimwe nguva.

Ndiri murudo nemumwe musikana wepakoreji pandiri kudzidza. Tose tinoziva kuti kana tave kuda kuita bonde tinofanira kushandisa dzivirio yekondomu kuitira kudzivirira pamuviri pasina kurongeka, zvirwere zvepabonde pamwe neutachiona hweHIV.

Zvisinei, ini handizivi mashandisirwo emakondomu uye makondomu andakaona haana tsanangudzo yemashandisirwo aanofanirwa kuitwa. Ndinoda kugona kushandisa makondomu nemazvo nguva dzose.

Ndine wenyu

Ripe and Ready

 

Kuna Ripe and Ready

Ndinoda kukurumbidza pamusoro penyaya yekunonoka kwako kupinda munyaya dzebonde, ramba wakadaro.

Ndinonzwisisa chishuwo chako chekuzvidzivirira nemudikani wako kubva kuzvirwere zvepabonde neHIV pamwe nepamuviri pasina kurongeka.

Ndichagoverana newe ruzivo pamusoro pemakondomu urwo rwandinovimba kuti rwuchabatsirawo vamwe vaverengi.

Kana akashandiswa nemazvo, makondomu anobatsira zvikuru mukudzivirira HIV nezvimwe zvirwere zvepabonde.

Zvisinei, ane dziviriro shoma pazvirwere zvinotapurirwa kuburikidza negumhana kweganda zvakadai sehuman papilloma virus (genital warts) negenital herpes.

Pane mhando mbiri dzemakondumu: echirume neechidzimai.

Unofanira kuve neruzivo rwemachengetrwo emakondomu aya nekushandiswa kwawo.

Makondomu anowanikwa pachena kunzvimbo zhinji dzinorapirwa vanhu pamwe nekumahofisi eNational AIDS Council nemakiriniki eZimbabwe National Family Planning Council.

Kana usingazive mashandisirwo emakondomu nemazvo, usanyare kubvunza kune vanoona nezveutano avo vanokutaridza mashandisirwo acho zvose evarume neechidzimai.

Mashandisirwo emakondomu:

Makondomu echirume neechidzimai anogona kushandiswa kukudzivirira kubva mukutapurirwa zvirwere zvepabonde neHIV asi usaashandise ose panguva imwe chete.

Akashandiswa ose panguva imwe chete, haagare panzvimbo uye anogona kubvaruka. Verenga zvakanyorwa papakiti yemakondomu, kana zviripo, kana usati waamboshandisa.

Tevedzerawo zvinotevera:

Kondomu rechirume:

l chengeta makondomu echirume panzvimbo yakaoma inotonhorera. Usaachengetere muchikwama chako kana mumota mako nekuti izvi zvinogona kukonzera kuti atsemuke kana kubvaruka.

l tarisa pakiti rakaputira kondomu uone kana pasina pakatsemuka uye musi waanopera kushanda kuitira kuti usashandise makondomu anenge ave ekare.

l Vhura zvakanaka pakiti yakaputira kondomu uye usashandise mazino ako kana nzara.

Ona kuti kondomu rako rakakodzera kuti unge uchiri kuri shandisa uye usarishandise kana richitaridza kuve nemavara akasiyana kana kuti nemaburi madiki-diki.

Wakabata kwarinoperera, chipfeka kondomu rako panhengo yako yakavandika kana ichinge yatirimuka.

l Shandisa kondomu idzva kana wave kuda kutanga chimwe chikamu chebonde.

 

Kondomu rechidzimai:

l Chengeta makondomu ako panzvimbo yakaoma inotonhorera.

l Tarisa pakiti rakaputira makondomu uone kana pasina pakatsemuka uye musi waanopera kushanda kuitira kuti usashandise makondomu anenge ave ekare

Vhura zvakanaka pakiti yakaputira kondomu uye usashandise mazino ako kana nzara. Kondomu rako rinogona kunge riine kahunyoro uye richitsvedza.

l Pfekera kondomu munhengo yako yakavandika kwemaawa matatu usati watanga kuita bonde. Kondomu iri harikwanise kunyangadika mukati memuviri wako.

l Kupfekera kondomu iri, bata ringi remukati maro woripinza mukati usina kuri monya-monya uye panofanira kusara chimwe chidimbu chinganosvika inch imwe chete kunze kuitira kuti rizokwanisa kutatamuka panguva yaunenge uchiita bonde.

l Panguva yekuita bonde, iva nechokwadi chekuti ringi yekunze kwekondomu haidzvanyidzirwe kupinda mukati menhengo yako yakavandika.

l Kana wapedza kuita bonde, bvisa kondomu rako usati wasimuka.

Zvakakoshawo kuona kuti warasira kondomu rako rawashandisa panzvimbo yakakodzera. Sunga kondomu rako nekumuromo kwaro kuitira kuti zviri mukati maro zvisarasikire pasi. Usarasire kondomu rako munzvimbo dzinosvikwa nevana kana zvipfuyo.

 

Share This:

Sponsored Links