Uncategorized

‘Kushaya mbereko haisi mhosva’

20 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
‘Kushaya mbereko haisi mhosva’ First Lady Amai Auxillia Mnangagwa (vakagara pakati) vaina Dr Moyo (kuruboshwe) naVaCrispen Makoni vanova Chief Director kubazi rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro vaine vatori venhau pagungano raikurukurwa pamusoro penyaya yekushaya mbereko. — Mufananidzo naJohn Manzongo

Kwayedza

Daphne Machiri naCourtney Munodawafa

MUDZIMAI wemutungamiri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mngangagwa, vanoti mapoka ezvenhau ane basa guru rekurwisa nyaya dzerusarura kune vanoshaya mbereko, rinova dambudziko rinobata vanhukadzi zvose nevanhurume.

Vakataura mashoko aya nemusi weMuvhuro svondo rino vari muguta reHarare pagungano rekudzidzisa vatori venhau pamusoro penyaya dzekushaya mbereko.

Gungano iri rakarongwa nesangano raAmai Mnangagwa, reAngel of Hope Foundation, rakabatana nereMerck Foundation’s More than a Mother.

Amai Mnangagwa – avo vanova zvakare ambassador wesangano reMerck More than a Mother muZimbabwe – vanoti vatori venhau vanofanira kukoshesa kusimudzira nyaya dzeutano.

“Tinoda kuti mapoka enhau aburitse mashoko ari pamusoro pekuti nyaya yekushaya mbereko inobata vanhurume nevanhukadzi. Iyi haizi nyaya yekupomerana mhosva, asi tinoziva kuti mumagariro edu vanhukadzi ndivo vanotakura mutoro mukuru wenyaya iyi,” vanodaro.

“Tinoda kuti mapoka enhau aburitse nyaya yekuti kushaya mbereko hachizi chituko.”

Vanoti dambudziko rekushaya mbereko rinokonzera mamwe matambudziko.

“Dambudziko iri riri kuunza mamwe matambudziko akaita sekuputsika kwedzimba, mhirizhonga mudzimba pamwe nerusarura nekusemwa kana munhu achinge ashaya mbereko,” vanodaro Amai Mnangagwa.

Vanoti kushanda pamwe chete kwesangano reAngel of Hope Foundation nereMerck Foundation’s More than a Mother kwaona kusimudzirwa kwezveutano munyika.

Pane nyanzvi munyaya dzeutano dzakasiyana dzemuno dzakaenda kunodzidziswa kunyika yeIndia kuburikidza nekushanda pamwe chete kwemasangano maviri aya.

Vachitaurawo pagungano iri, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Cde Monica Mutsvangwa – mumashoko avakaverengerwa naVaCrispen Makoni – vanoti zvakakosha kuti mapoka enhau ave pamberi mukurwisa nyaya yerusarura kune vasina mbereko.

“Kana masangano enhau akave pamberi mukurwisa nyaya dzerusarura kune vasina mbereko, munhu wose ari munyika haana zvimwe zvekuita, asi kugamuchira zvinenge zvavepo. Mapoka enhau ane basa guru rekupa vanhu ruzivo,” vanodaro.

Gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo, vanoti vatori venhau vanofanira kutanga vawaniswa ruzivo rwakadzama pamusoro penyaya yekushaya mbereko vasati vatanga kupakurira ruzivo urwu kune veruzhinji.

Mashoko avo anotsinhirwa nachamangwiza wesangano reMerck Foundation’s More than a Mother, VaRasha Kelej, vachiti mapoka enhau ane basa guru rekurwisa nyaya dzerusarura kune vasina mbereko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>