Uncategorized

kushonongora muroora

04 Feb, 2016 - 21:02 0 Views

Kwayedza

DUNHU rimwe nerimwe remuZimbabwe rine tsika idzo vanhu veko vanotevedza mukupemberera muroora kana kuti mwenga mutsva anenge achipinda mumusha.

Kwayedza nguva yadarika yakashanya kwaShe Chilonga, kuChiredzi, ndokurondedzerwa maitirwo echiroora mudunhu iri.

Yakasanganazve nemumwe musikana aiita zvehuroora pasi petsika dzechiShangaani.

Muchaneta Ngoveni (17), atova kumurume zvisinei nekuti mutemo wenyika hautenderi musikana kana mukomana ane makore ari pasi pe18 okuberekwa kuroora kana kuroorwa.

Muchaneta, uyo anoti akapihwa zita idzva rekuti MwaTasakai mushure mekubudirira muzvidzidzo zveChinamwari, inova tsika ine mukurumbira mudunhu iri, anoti akaroorwa naLovemore Munetsi (16) nomusi wa10 Ndira gore rino.

Kwayedza payakasvika pamusha apa, mwenga uyu akange ari mumba ndokuzobuda okwazisa vatori venhau, vaisanganisira mutyairi weZimpapers – Joramu Muchina.

Pakumhoresa apa, muroora mutsva uyu airamba akabata ruwoko rwemuyenzi achiti aida mari kuti aregedze mawoko.

“Ndange ndakabatwa kuti dzvi-i nesimba rose zvokuti kunyangwe uchida kutiza haupukunyuri,” akadaro Muchina mushure mekubvisa dhora setsika yechivanhu yekushonongora muroora mutsva paanenge achikwazisa vanhu.

Kwayedza yakazoita hurukuro nevamwe vagari vemudunhu iri avo vakatsanangura zvinoitwa nemuroora mutsva.

“Izvi ndizvo zvinoitwa nemwenga kuno kumaShangaani, zvinoratidza kuti anenge achangobva kumutambo weChinamwari. Anokwazisa vanhu obva aramba akavabata mawoko zvakasimba. Anotozoregedza munhu kana achinge apihwa mari yekutenga (kushonongora) mwenga,” vanodaro Mbuya Lidia Mufurembwe (63).

Vanoti kana munhu achinge asina mari, anotora chimuti oisa mumawoko emwenga kuti amuregedze.

“Izvi hazvirevi kuti nyaya inenge yapera, chimuti ichocho anozochitora onochichengeta. Chinenge chiri chibatiso chekuti munhu anenge asina mari panguva iyoyo asi kana wazoiwana unofanira kuenda kunomupa muroora kuitira kuti agozorasa chimuti chaunenge wakamupa,” vanodaro.

Chipo Ndavani (24) anoti akambobatwawo ruwoko nemwenga asi haana kuziva kuti zvinorevei sezvo aisaziva tsika dzeko.

Mbuya Kwanai Salani MwaMakanani (60) vanoti muroora anobvisirwa mari yekupembererwa kana achinge abva kuChinamwari ave kumurume.

“Kuti munhu anzi mwenga zvinoreva kuti muroora mutsva apinda mumusha. Anofanira kupembererwa apo anenge akafuka mucheka muchena mumusoro. Anozoenderera mberi nekukwazisa vanhu vachimupa mari uye apa haafanire kuregedza ruwoko rwemunhu kana asina kupihwa mari.

Mushure mekutambidzwa mari, ndipo paanozotaura nevanhu achiziviswawo kuhama dzemumusha imomo,” vanodaro.

Mai Prisca Charamba (39) vanoti muroora mutsva anogona kuti kana zviya akaona vanhu, anorara pasi akafuga jira achizomuka kana vamukandira mari.

“Iyi itsika yakagara iriko asi vamwe zvavo, nekuda kwechiRungu, havachazvitevedza. Zvakangokosha kuti muroora azivane nemunhu wose wemumusha maapinda. Zvinoderedza nyaya dzemakunakuna nekuti muroora akaziva hama dzemurume anozodziratidzawo kuvana vake, saka hama nehama havazoroorane. Zvasiyana nevamwe vana vanozvarirwa kumaguta, havatozivi kuti sekuru kana babamudiki ndevapi,” vanodaro.

Mai Charamba vanotiwo vamwewo ndivo vanoti mwenga anoperekedzwa navanatete vake kumusha kwemurume akafukidzwa kwiriti (mucheka) vanhu vachipemberera munguva dzemanheru.

“Kana zviye mwenga ave pedyo nekupinda mumusha, anobva atangisa kumira vanhu vachikanda mari panhanho imwe neimwe yaanofamba uye anenge achitsika parukukwe kana pamusoro pemachira aanowaridzirwa.

“Anozopfugama ofamba nemabvi achipinda mumba umo vanhu vanopemberera vachiimba kana kutaura mazwi ekunyomba senzira yekuda kuona kuti akashinga zvakadii.

“Vamwe vasina kushinga vanochema nekuti vanhu vanenge vachitukirira sekuti muroora auya ane man’a kana kuti akasviba kunge matsito. Kuti aonekwe chiso chake, anokandirwa zvakare mari ozofugurwa jira riye natete hanzvadzi yababa vake vanenge vamuperekedza,” vanodaro.

Mai Charamba vanoti mangwanani ezuva rinotevera, muroora anomukira kutsvaira chivanze vanhu vose vachirere pamwe nekudziisa mvura iyo anozofamba achipa vehukama kuti vageze vachimupa imwe mari.

Vamwewo ndivo vanozonotsvaga huni dzekubikisa apo vanoshonongorwa nemari zvakare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>