Uncategorized

Kutengera huku madhuku ekusunga

31 May, 2019 - 00:05 0 Views
Kutengera huku madhuku ekusunga Mupurwa

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA

naIgnatius Mabasa
HANDIZIVE kuti kana ukati unoshandisa mupurwa pakurapa unenge uchiti tibvume here kuti kuushandisa kwako kunongoperera pakurapa chete. Mupurwa haujairike, uye kukodzera kwawo pabasa rekurapa kune mibvunzo inobvinza kunge sefa.

Mupurwa zidzvinyu rine mutsipa murefu, nekamusoro, nerurimi rune mhandi serwenyoka, nemazinzara pamwechete nechimuviri chakakwasharara. Mupurwa hausi zongororo rinoti ukaridenha rinogonya. Mupurwa unoshona, mupurwa chiruma.

Hukama pakati pemunhu nemupurwa hunotaura zvakawanda. Makazosvika pakunzwanana nechikara zvekutochituma zvaita sei?

Tasangana nenyaya dzakawanda dzemashiripiti anoitwa nevanhu vachishandisa mipurwa. Saka baba vekuChiweshe ngavarege kuda kuhwanda chamupupuri seri kwerusero panyaya yekukatanurwa kwezvipfeko zvemukati kwevanhukadzi.

Pane imwe nguva Kwayedza yakatipa nyaya yevakomana vaiti nyama yezizi inonanaka. Takatoratidzwa mifananidzo yavo vachiita braai yemazizi. Iko zvino tave kunzwa muchinda wekuSakubva achiti anonakirwa nenyama yekatsi, yetsoko neyegudo.

Patinokura kudzimba dzedu tinodzidziswa zvinhu zvinoita nezvisingaite. Vabereki, hama, shamwari, chechi, mapepanhau nezvikoro zvinotidzidzisa kuti kuba hakuite, kudyira sadza mubhara hakuite, kutengera huku madhuku ekusunga mumusoro hakuite, kana kutengera mombe matauro nesipo padzinoenda kudhibhi chishamiso.

Zvino muchinda wekuSakubva anonakirwa nenyama yekatsi akazvidzidza kupi? Ngatiregei kusekerera hurwere hwepfungwa nekuti pfumo harigarirwe kunze kwekunge wakagarwa nezvinokugara.

Kana uchiita zvinhu zvinoshamisa sekushandisa mupurwa nekudya nyama yekatsi, unoita kuti tide kukuziva kuti ndiwe ani? Munhoroondo dzevanhu vaishamisa, Jesu anowanikwawo, asi kushamisa kwake kwakanga kusiri mukushandisa mipurwa kana kudya katsi.

Mumwe munhu akatsanangura Jesu achiti akabva kuna Mwari achiuya kuna Maria. Akave munhu kuti isu tive nehumwari. Akanzi Mwanakomana wemunhu, kuti isu tive vanakomana vaMwari. Jesu haana kurarama hupenyu hwemupfumi, uye haana kurerwa nenzira inoshamisa kana yekushamisira. Jesu akangobuda achienda kuDiaspora kamwechete paaive mudiki.

Akanga asina pfuma kana pamuchato wepaKana akanga asiri guest of honour. Akanga asina kuenda kuUniversity, asina degree kana diploma. Kana hama dzake dzakanga dzisiri vanhu vanoshamisa.

Achiri mwana mudiki akavhundutsa mambo Herodhi vakati dhi. Ave kakomana akashamisa madhara ane mikwememe yendebvu. Ave murume mukuru akaratidza simba pamusoro pezvakasikwa. Akafamba kuti motsi piri, motsi piri pamusoro pemvura yakati ndoo.

Akaudza gungwa kuti riite steady, rikabva ranyarara kunge gonzo raona kiti. Akarapa vanhu vazhinji vakapora pasina kana jekiseni, x-ray, scan kana mablood tests. Nyangwe zvakadaro, haana munhu waakabhadharisa kana sendi.

Jesu haana kunyora bhuku asi dzimba dzinochengeterwa mabhuku, iwo maLibrary ese epasi rino haakwane kutakura mabhuku akanyorwa pamusoro pake. Haana chimbo chaakanyora, asi ndiye munhu akaimbwa nezvake kudarika vanhu vakaimbwa nezvavo nevaimbi vese pasi rese.

Haana kutanga chikoro kana yunivhesiti yake, asi zvikoro zvese hazvingati zvine vadzidzi vakawanda kumudarika. Haana kudzidzira huchiremba asi akarapa nekupodza mwoyo yevakarambwa kudarika vanhu vakarapwa nana chiremba.

Jesu wandiri kutaura nezvake anovhenekera kudarika nyenyedzi dziri mudenga zvekuti anonzi “Nyamatsatse yedenga.” Ndiye zvakare dombo remamwe matombo, dombo rakare-kare. Ndiye shumba asi ariwozve hwayana ine hunyoro. Anonyaradza kupesana kwese uye achipodza zvirwere zvese.

Vangaveko vanhu vanoshamisa munguva dzino dzatiri – vanodya katsi kana vanogarira kunobaya kwepfumo, asi vachafa tikakanganwa nezvavo. Jesu acharamba ariko. Herodhi akatadza kumuuraya, Satani akatadza kumufurira. Rufu chairwo rwakamusvipa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>