Uncategorized

Kutsikwa negonyeti remashoko

27 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

HANZVADZI yaTavengwa yakarwara zvekusara munhu afanana nemakanda amenywa pabhanana. Tavengwa akazoudzwa namai vake kuti yaive Aids. Tavengwa akanga ave mukomana ari kusekondari.

Kurwara kwehanzvadzi yake kwakamudya pfungwa nemwoyo zvekuti haana kuzoda kuve nechekuita nevasikana kana zvine chekuita nebonde. Hanzvadzi yake yakazofa, Tavengwa akaona ichivigwa. Asi naiyewo Tavengwa pane chakavigwa maari nechiitiko ichi.

Tavengwa akakura achitambudzwa nezvaakanga aona hanzvadzi yake yakaita payairwara. Akasvika pakupedza chikoro achitaura kuti aizozvichengetedza kusvikira awana musikana waanoda.

Tavengwa akawana nzvimbo yekunodzidzira kugadzira magetsi achibhadharwa nekambani. Mukana uyu wakafadza Tavengwa nevemhuri yake zvikuru. Tavengwa akarongedza midziyo yake akaenda kunodzidzira zvemagetsi.

Ariko, vakaenda kunoshandira kuHwange. Vamwe vakomana vaakanga achishanda navo vaiti kana vapedza basa vonodhakwa nekutsvaga vasikana, asi Tavengwa akanga asina shungu nazvo.

Tavengwa aisekwa nevamwe vake kuti akanga achiri mwana wamhamha aitya doro nemagero.

Pakazoita mumwe mukomana aishanda naTavengwa akati rimwe zuva, “Tavengwa pane musikana wandakaona anogona kuenderana newe. Ndichauya naye umuone.”

Tavengwa akaunzirwa musikana ainzi Rejoice, musikana mutsvuku akanaka kunge mapikicha epaFacebook.

Tavengwa haana kuda zvekudanana naRejoice. Akangoita hushamwari naye, achibva amuudza kuti akanga ane hurongwa hwekuzotsvaga musikana wekuroora kwete wekutamba naye. Rejoice akati, “Usatye zvako, tinongoita shamwari neshamwari chete chero uchitenga doro.”

Mazuva akafamba, shamwari dzaTavengwa dzichidhakwa nekuita zvevasikana. Tavengwa akanga achizvigarira zvake, uye mamwe mazuva achimboenda kunoona shamwari yake Rejoice.

Asi rimwe zuva vakomana vaishanda naTavengwa vakaita party. Rejoice akakokwawo kuparty iyi.

Tavengwa akakurudzirwa neshamwari dzake kuti angonwawo doro ambofara kamwe chete zvako. Tavengwa akanwa doro nevamwe vake, akapedzisira afurirwa kuti apfimbe Rejoice.

Zvakaita sekuti Rejoice akanga agara akamirira kuti Tavengwa amupfimbe nekuti party yakazopfumbira vaviri ava vongomonerana kunge nyoka.

Tavengwa akazoenda naRejoice kumba kwake. Vakabva varara vese. Kunze pakwakayedza, Tavengwa akarohwa nehana achimuka achiona akarara naRejoice, vese vasina kupfeka.

Hope dzakabva dzapera, Tavengwa akamhanya kuchimbuzi kunorutsa nekuda kwekutya nekuvhiringika. Akanga asina kuronga zvese zvakanga zvaitika. Akanga asingade Rejoice.

Akanga achiri kuziva murwariro nemufiro wakazoita hanzvadzi yake.

Tavengwa akarutsa akapedzisira ave kutorwara. Rejoice akamuka akageza ndokuenda kumba kwavo. Akasiya Tavengwa akagara pasi akazembera mubhedha achichema.

Tavengwa haana kubuda panze nemusi weMugovera kana Svondo. Musi weMuvhuro akazvimanikidza kuenda kubasa, asi akanga asisiri Tavengwa wemazuva ese. Vamwe vakomana pavakamuona achiuya vakatanga kuridza miridzo vachiti, “Wakazoratidzawo kuti uri murume pawakaenda naRejoice. Ndizvo zvinoitwa izvozvo.”

Asi mumwe mukomana ainzi Moses ndiye akazoti, “Tavengwa, ndinovimba wakashandisa zvekuzvidzivirira nekuti Rejoice ane mbiri.”

Achiri kutsikwa pamwoyo negonyeti remashoko aya, mumwewo mukomana akabva ati, “Handiti unozviziva kuti Rejoice anodanana nemupurisa uye ane mukadzi akafa neAids?”

Tavengwa akabva adikitira ndokugara pasi. Vamwe vake vakamubvunza kana akanga achirwara, asi akangokwanisa kukumbira kuenda kumba. Paakaenda kumba, Tavengwa akabva anozvisungirira. Akasiya anyorera amai vake tsamba. Akatya kutambudza amai vake zvakare nekuti mumusoro make, akanga atopihwa HIV naRejoice.

Vachitaura nyaya yaTavengwa, amai vake vakapedzisa vachiti, “Unogona kuurayiwa neshamwari.” Ichokwadi chinotaurwa neBhaibheri, “Akakomborerwa munhu asingafambe panorangana vakaipa.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey