Kuwadzana Area Zone Soccer League yavambwa

16 Jun, 2023 - 09:06 0 Views
Kuwadzana Area Zone Soccer League yavambwa KAREN Rambai Mbisvi

Kwayedza

Abel Ndooka

KUVAMBWA kweligi renhabvu reKuwadzana Area Zone Soccer League kuri kubatsira zvakanyanya kubika vatambi vane shuviro yekuzotambira zvikwata zvikuru zvemuCastle Premier Soccer League.

Ligi iri rakavambwa mugore ra2018 uye rine zvikwata 13 zvinokwikwidzamo zvemazera anotangira pamakore 18 okuberekwa zvichikwira.

Sachigaro weligi iri – Karen Rambai Mbisvi – uyo anonyanya kuzivikanwa saSir Stoko, anoti rakavambwa nechinangwa chakusimudzira tarenda revatambi venhabvu pamwe chete nekubvisa vanakomana vechidiki mune zvinodhaka.

Mbisvi anoti shuviro yemutambi wese wenhabvu kuzotamba muchikwata chinokwikwidza muPSL saka kazhinji vatambi vakasawana mukana uyu vanopedzisira vaora mwoyo vopedzisira vave kufuririka kutora zvinodhaka zvinokuvadza muviri.

“Ligi redu takarivamba mugore ra2018 tine chinangwa chekusimudzira nhabvu mumusha meKuwadzana. Donzvo guru raive rekubvisa vanakomana mune zvinodhaka saka nekufamba kwenguva takaoona shanduko yakakura ichiitika muhupenyu hwevatambi vakasiyana uye kusimukira kwave kuita mutambo uyu.

“Iye zvino tiri kushanda basa rekubika vatambi uye zvikwata zvese zviri kuita basa guru. Tine chivimbo chekuti mune remangwana, ligi redu richaramba richikura toramba tichibika vatambi vakasiyana vagonotambirawo zvikwata zvakasiyana zvemuPSL uye kana kuDivision One chaiko,” anodaro Mbisvi.

Mumasvondo matatu anotevera, zvikwata zvinokwikwidza muligi iri zvichange zvichitatsurana mumutambo weJAYZ 1 Football Tournament uyo uchatanga svondo rino.

Svondo rino, kuchatambwa mitambo minomwe uye zvikwata zvinenge zvahwina zvichafambira mberi zvozotatsurana mune chimwe chikamu icho chichazotambwa svondo rinotevera kusvika kufainari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>